Vana 6 vonomirira Zim kuSouth africa

02 Apr, 2015 - 20:04 0 Views
Vana 6 vonomirira Zim kuSouth africa

Kwayedza

Daphne Machiri
VANA vatanhatu vemuzvikoro zvakasiyana vakasarudzwa kuti vanomiririra Zimbabwe kumakwikwi ezvigadzirwa, eScience Fair, ayo achaitwa kuSouth Africa nguva iri kutevera. Makwishu aanodaidzwa kuti Northern Gauteng Expo for Young Scientists aya achaitwa kunyika iyi kubva musi wa13 kusvika 15 Nyamavhuvhu.

Vana vatanhatu ava vakasarudzwa mushure mekukunda mumakwikwi enyika yose ayo akaitwa muHarare nguva pfupi yadarika.
Vachanomirira Zimbabwe kumakwishu aya ndiAbdul Rashida uyo ari kuita Form 2 paQueen Elizabeth High muHarare, Charity Karikoga (Form 2) paOriel Girls High muHarare zvakare, Sheena Mriowe ari muForm 4 paQueen Elizabeth High naJoel Mukondimi (Form 4) paNdima High, kuChimanimani. Vamwe ndevanoti Nelson Mlambo (Form 6) paBiriri High, kuChimanimani naKumbulani Khumbulani uyo ari muForm 6 paNyanga High.

Muhurukuro naKnowledge Chikundi, uyo anova murongi wechirongwa cheScience Fair, anoti zvidzidzo zveScience zvakakosha zvikuru sezvo zvichibatsira mukusimudzira upfumi hwenyika.

“Takaona zvakakosha kuti Zimbabwe iwanikwewo pakati penyika dzose mukukoshesa zvidzidzo izvo zvinonzi zvakaoma. Hatizi kudzokera kumashure mukusimudzira zvidzdzo izvi nekuti vana ava ndivo vatungamiriri vemangwana,” akadaro.

“Iye zvino tiri kuda kuparura chirongwa cheZimababwe ECD School Science Fair icho chichabatsira vana kurodza pfungwa.”

Share This:

Sponsored Links