Uncategorized

Vana kurutsa nyama

31 Jul, 2014 - 08:07 0 Views
Vana kurutsa nyama

Kwayedza

PACHIKORO cheLeopold Takawira Secondary, kuMvuma kudunhu reMidlands, panonzi pari kuitika masaramusi apo vamwe vana vanonzi vanongopunzika, vachitaura zvisinganzwisisike nekurutsa nyaya isiri kuzivikanwa kuti ndeyei.

Sekutaurwa kwazvinoitwa, mumwe mwana wepachikoro ichi, Simeleni Machando (15), uyo aiita Form 3, anonzi akafa svondo rapera pamberi nezvinofungidzirwa kuti zvakakonzerwa nemashiripiti aya.

Kwayedza haina chokwadi chainacho pakuti mashura aya ari kuitika kunze kwezviri kutaurwa uye haitsigire pfungwa dzekuti zvakadai zvinongoitika sezvo zvichinetsa kuonekwa nemunhuwo zvake.

Chikoro ichi, icho chine Form 1 kusvika Form 6, chinonzi chakatanga kusangana nedambudziko iri gore rapera vana vachingorotomoka.

Mainini vemusikana wekufa, Mai Sofia Chezhara (34), vakatsinhira kufa kwemwana wavo pachikoro apa nenzira isinganzwisisike.

“Mwana wababamukuru vangu ainzi Simeleni Machando akafa zvinoshamisa. Ariko, anonzi akatanga kutaurira vamwe vake kuti akanga asisina ropa achiti aiyamwiwa nezvimwe zvinhu. Akazopunzika mumugwagwa ndokutanga kubuda furo apo akazoenda kuchipatara cheMvuma uko akasvikofa. Machiremba havana kuona chirwere,” vakadaro Mai Chezhara.

Muchakabvu akazovigwa nemusi wa17 Chikunguru kuChishuku.

Mumwe wevabereki vepachikoro ichi, VaMasvingo Chikuni (65), vakati: “Nyaya iyi iripo hatidi kuvanza. Vana vanopunzika vachibatwa nemadhimoni vachirutsa nyama. Vakaiona nyama iyi vanoti yakaita fanika ine ruvara rwegreen, vamwe vachiti yakatsvuka. Isu zvatotinetsa.”

Murume uyu anoti akamboshanda pachikoro ichi ari caretaker kubva 1983 kusvika 2006. Chikoro ichi chakavakwa mugore ra1981.

VaMasvingo vanoti nemusi weChishanu svondo rapera pachikoro apa pakaungana mafundisi nemaporofita emachechi akasiyana vachiita munamato wekuchichenura.

“Kuburikidza nedambudziko rekupunzika kwevana nekuzofa kwakaita mumwe wavo, vabereki vakazokumbira kuita munamato uyo wakaunganidza vanhu vakawanda nemaporofita enharaunda ino yeMvuma. Nyaya iripo ndeye kuti machechi awanda, mamwe acho ndiwo ave kuunza izvi. Isu sevabereki tinoti ngakuve nechechi imwe chete inobvumirwa kushandisa chikoro ichi kwete makereke ose-ose,” vakadaro.

Mumwe mubereki, VaPinius Ruwanikwa (42) vanobva mubhuku rekwaMushayabvudzi, vakatsinhira dambudziko repachikoro ichi.

Vakati: “Mumwe mwana akafa achiita zvekupunzika achibva pachikoro ichi abva kumba asingarware. Vamwe vanongopunzika vachichema vachiti vari kurohwa nezvinhu zvavasingaone vachipupa furo. Hamheno kuti zvichapedzwa sei.”

Vamwe vana vechikoro vakataurwa navo vakabvuma nezvedambudziko iri.

“Dambudziko iri rakanyanya muForm 2 A, zvisinei kuti riri mumakirasi ose. KumaForm 6 kune vana 7, pachikoro pedu pane vana vanodarika 20 vakatarisana nedambudziko iri,” akadaro mumwe mwana mukomana.

“Musikana uyu akataura pamberi pevadzidzisi nevana vechikoro achiti vane maringi, masweets nemablack note ekuisa muhuro izvo zvavanopa vamwe vana vechikoro. Ukangozvitambira unonzi unenge watova muchikwata ichi.”

Kwayedza ine mazita evana vasere vanonzi vakabuda pachena kuti vanoita izvi avowo vanonzi vanoti vanoshanda nemamwe mafundisi emachechi ari munzvimbo iyi.

“Mumwe wedu, Simeleni Machando, aiva mu3 B akafa akangoita zvekupunzika. Isu tave kutya,” akadaro mumwe mwana weForm 6.

VaChrispen Chibaya (53), avo vaimbova sachigaro wekomiti yevabereki pachikoro ichi, vakati nyaya iyi vanongoinzwa.

“Inyaya yandinongonzwa ichitaurwa kuti vana vari kupunzika zvichinziwo vamwe vari kurutsa nyama. Hamheno kuti ichokwadi here asi mumwe mwana akafa nedambudziko iri pachikoro apa,” vakadaro.

“Dzimwe nguva vana ava vanouya nematambudziko aya kubva kumachechi avanoenda. Hamheno, ini handisisiri sachigaro weSDA.”

Mudzimai wavo, Mai Clara Chibaya (51), vakati nyaya dzakadai dzinotyisa zvekuti vabereki vachaguma vave kubvisa vana vavo pachikoro ichi vachivaendesa kune zvimwe.

Sachigaro wesangano revabereki, Mai Mary Kubvoruno, pamwe chete nakanzura weko, VaTremendous Musara, avo vanonzi ndivo vakatungamirira mafundisi nemaporofita pamunamato wakaitwa pachikoro ichi havana kuwanikwa pakaenda Kwayedza uku.

Prophet James Manda (30), vechechi yeAFM, avo vanotungamirira chikwata chemafundisi nemaporofita emunzvimbo iyi muminamato, vakatsinhira dambudziko repachikoro ichi.

“Hongu dambudziko iri tinaro, takatoenda kunonamata pachikoro apa. Vana vari kupunzika uyewo nyaya yenyama yavanorutsa inotaurwa. Hamheno kuti inyama yei,” vakadaro.

Mukuru wechikoro, uyo akangozivikanwa nekuti Kokai, akaramba kutaura nevatori venhau achiti haabvumidzwe nemutemo webasa.

“I dont have any comment. I dont give statements to the media. Mind, in that case you seem to be chasing a wild goose. (Handina zvekutaura, handitaure nevatori venhau. Ngwarirai panyaya iyi munogona kunge muchidzingana nemhepo). Endai kuvakuru vezvedzidzo kunaDEO kana kuna PED kuGweru, DEO munovawana muno,” akadaro.

Kwayedza haina kukwanisa kutaura naDistrict Education Officer weMvuma, VaChimbiya, uye mutevedzeri wavo, Mai Chikwaiwa, vakaramba kutaura nevatori venhau vachiti vaifanirwa kunotaura naProvincial Education Director, Mai Agnes Gudo kuGweru, avowo vasina kubatika.

Share This:

Sponsored Links