‘Vana ngavadzidze pachena’

21 Dec, 2017 - 00:12 0 Views

Kwayedza

Muchaneta Chimuka —
MASANGANO anomiririra kodzero dzevana akanyora gwaro (petition) kubazi redzidzo yepuraimari nesekondari achikumbira kuti vana vose vawaniswe kodzero yedzidzo pachena, zvikuru avo vanobva kumhuri dzinotambura.

Izvi zviri kuitwa nemubatanidzwa wemasangano anoti Tag a Life International (TaLi), Zimbabwe National Council for the Welfare of Children (ZNCWC), Women’s Coalition of Zimbabwe, Justice for Children’s Trust, Katswe Sisterhood, World Vision Zimbabwe, Female Students Network nevemachechi.

“Chinangwa chemakambeni atiri kuita e’Every Child in Schools (ECIS)’ ndechekukurudzira Hurumende kuti ibatsire vana vazhinji avo vakasiira dzidzo yepuraimari panzira nekuda kwekugozherwa nemari dzechikoro. Mazana nemazana evana vari kugara mudzimba nekuda kwekushairwa mari dzechikoro,” anodaro Nyaradzo Mashayamombe, uyo anotungamirira TaLi.

TaLi isangano rinomiririra kodzero dzevanasikana nemadzimai, zvikuru munyaya dzekuwaniswa kwavo dzidzo.

Mashayamombe anoti chirongwa cheECIS chine donzvo rekuti mwana wose ange achiwaniswa dzidzo zvichifambirana nechikamu cheSection 75 chebumbiro remutemo weZimbabwe.

“Chirongwa cheECIS chinofambirana zvakare nezviri muConvention on the Rights of the Child kuti zvido uye zvinhu zvakanakira raramo yevana zvinge zvichitevedzwa sekodzero dzavo dzekuti vachengetwe, kuwaniswa mashoko, kodzero yekurarama uye kuti vange vachiwanikwa vari muzvirongwa zvine chekuita nebudiriro yavo neyenyika,” anodaro.

Mashayamombe anoti chikamu cheSection 75(a) chebumbiro remutemo wenyika chinoti Hurumende inofanira kutora matanho akakodzera mukuona kuti dzidzo yawaniswa kumwana wose pachena.

Anoti nekuda kwematambudziko anosangana nevabereki vazhinji sekushaikwa kwemari uye kudhura kwezvikoro, vamwe vanokundikana kuendesa vana vavo kuchikoro.

“Kusaenda kuchikoro kwevana kunomutsa matambudziko akadai sekumitiswa, humbavha, hurombo uye kuwanda kwevana vanoshandiswa mumabasa ayo anofanira kunge achiitwa nevanhu vakuru,” anodaro.

Zvakadai, masangano aya anoti anovimba kuti Hurumende nemamwe masangano akazvimiririra vachatora matanho ekuti vana vose vawaniswe dzidzo izere kutanga mumwedzi waNdira gore rinouya apo zvikoro zvichavhurwa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey