Vana ngavawaniswe mikana yakaenzana

0 Views

Kwayedza

PANE chirevo chinoti kana munhu akakukumbira hove usamupe asi mupe chirauro kuti agozokwanisa kuzviraurira oga. Izvi zvinenge zvichiitirwa kuti munhu asajairire kungogara achingoitwa zvinhu zvekupihwa asi kuti azvishandire zvinova zvinozomupa pundutso muupenyu hwake.

Izvi zvakangofanana nedzidzo, iyo yakakosha kumwana wose – musikana kana mukomana – pakuti awane mukana wekudzidza sezvo iriyo nhaka yeupenyu.

Nhasi uno Zimbabwe iri kupembedzwa pasi rose nekuda kwebudiriro muchikamu chefundo izvo zvaona ichienda pamusoro pedzimwe nyika dzose muAfrica panyaya yekugona kunyora nekuverenga.

Zvinodadisa!
Zvisinei nebudiriro iyi, kune zvimwe zvinhu zvine chitsama zvinoda kugadziriswa sezvo zvikasiiwa zvakadaro zvinogona kudzorera budiriro iyi shure. Izvi zvinosanganisira kutora matanho ekuona kuti mwana wose awana mukana wekudzidza akasununguka uye pasina kusarura kuti mukomana here kana kuti musikana.

Mutevedzeri wegurukota redzidzo yepuraimari nesekondari, Professor Paul Mavima, svondo rapera vakaudza dare reNational Assembly kuti bazi ravo riri kushushikana zvikuru nekuda kwevamwe vana vari kusiira chikoro panzira, zvikuru vanasikana, nekuda kwezvikonzero zvakasiyana. Prof Mavima vakati ongororo yakaitwa nebazi ravo gore rapera inoraridza kuti huwandu hwevanasikana vari kusiira chikoro panzira padanho resekondari hwakakwira kudarika hwevanakomana.

Vakati zvikonzero zvekusiya kwevanasikana chikoro panzira zvakasiyana-siyana izvo zvinosanganisira kushairwa mari dzechikoro, iro rinova dambudziko guru, pamwe nekubata pamuviri, zvikuru kune avo vanenge vave padanho rekusekondari.

Ongororo yakaitwa nebazi iri inoratidzazve kuti padanho reForm 1 kusvika Form 4, vanasikana vari kusiira chikoro panzira chikamu che5,8% kana zvichienzaniswa nechevanakomana che4,4%.

PaA-Level, vasikanana vari kutadza kupedza chikoro chikamu che5,8% apowo chevanakomana chiri 3,9%. Izvi zvinoratidza kuti chikamu chevanasikana vari kusiira chikoro panzira padanho reA-Level chakakwira pane paO-Level.

Semaonero edu, vabereki vanofanira kudzidzisa vanasikana zvakaenzana sezvavanoita vanakomana uye ngaparege kuve nerusarura. Inga vakuru vanoti chenga ose manhanga hapana risina mhodzi. Nekuti kana ukaadyara hauzive mhodzi ichabuda neisingabudi.

Iyo mari yefizi inozoshaikwa sei kana iri yemwanasikana asi kana iri yemwanakomana yowanikwa? Mwanasikana akawaniswa mukana wedzidzo anokwanisa kukwikwidzana nemwanakomana mungave mumabasa kana zvimwe sekusimudzira mhuri kana nyika.

Nhasi uno kune vatungamiriri vakawanda vechidzimai, mungava munyaya dzematongerwo enyika nemamwewo mapoka akasiyana. Vana ngavapihwe mikana yakaenzana yekuwana dzidzo pasina rusarura.

Share This:

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>