Vana vasapurazi vokwangwaya

17 Oct, 2014 - 09:10 0 Views
Vana vasapurazi vokwangwaya

Kwayedza

Orpah Mukotekwa
MURUME wekumhan’arirwa neaimbove mudzimai wake kudare achida kuti mari yemendenenzi yaari kubvisa iwedzerwe kubva pa$80 kusvika pa$200 akatsika madziro achiti mukadzi uyu anongoda kumudya mari yake chete apo achigarira mawoko.

Patience Kuseri akaendesa Thandani Matiya kuHarare Civil Court achichema-chema kuti mari yemendenenzi ikwidzwe. “Baba ava tiri kunetsana pakuti mari yemendenenzi chaiyo havasi kundipa sezvavaimboita kare.

“Dai zvaibvira dare randibatsira ndikwanise kuwana mari iyi pamwe chete uye kuti iwedzerwe nekuti haisi kundikwanira.

“Ngaikwidzwe kubva pa$80 kusvika pa$200 kuti ndikwanise kuriritira vana vaakandisiira achiita zveimwe mhuri,” akadaro Kuseri. “Shoma yacho yaanga agara achibvisa haasi kubhadhara asi ndinonyatsozviziva kuti mari anayo.

Izvozvi vave kuita kana mwedzi mina chaiyo pasina kana kobiri zvaro randinowana. Ndiri kudya nhoko dzezvironda vana vachiita senherera baba varipo iye achidya tunonaka nemumwe mukadzi achikanganwa mhuri yake. “Baba ivava pavari vanoita zvekunama-nama masimbi uye ndisapurazi ane mbiri yekukohwa pakuru asi vana vake achitadza kuvariritira.”

Matiya akapikisana nemashoko aKuseri achiti:
“Mukadzi uyu ane matambudziko maviri vakuru vedare, kunyepa nekuda kudya mari yangu sekunge asina mawoko ekuzvishandira. “Ndiri kushamisika ava kunyepa kuti handisi kubhadhara mendenenzi asi mari ndaimupa iyo yakatarwa nedare pakutanga. Umboo hwacho hwekuti ndaibhadhara mari ndinahwo, chero hwunoratidza kuti mari ndaitoisa yakawandisa pamimwe mwedzi. “Handizivi kuti idambudziko here kuti ndakamupa mari yakati wandei mimwe mwedzi akati awana pekuda kundidyira.

“Dai zvaibvira dare rarasa chikumbiro chake nekuti hapana chiripo apa.

“Iye anozviziva kuti pari zvino ndave neimwe mhuri inoda kuriritirwa, otaura kuti anoda mari senzira yekurwadziwa nekugara zvakanaka kwandaita nemukadzi wangu. Chikafu chaicho dzimwe nguva ndinomutumira pamusoro pemari yemendenenzi saka handizivi kuti dambudziko rake nderei.”

Mutongi Babra Masinire akati nyaya yevaviri ava yaizodzoka mudare zvakare.

 

Share This:

Sponsored Links