Uncategorized

Vana vashanu achimitiswa

24 Oct, 2014 - 00:10 0 Views

Kwayedza

Tatenda R Moyo
MUKADZI wekumitiswa mumwe mwana wechishanu nemurume uyo ari kumubvisira mendenenzi akaendazve kudare achida kuti mari iyi iwedzerwe apo aiti mhuri yakura uye anotobhadharira mumwe mwana wavo ari kukireshi nekobhura nekuda kwekushaya.
Agnes Chikwanda akakakatira John Chituu kuHarare Civil Court achida kuti mari yemendenenzi iwedzerwe sezvo mhuri yake yakura.

“Changamire, baba ava vanondishungurudza sezvo vachigarotaura kuti vanoda kundikaurisa asi chandakavatadzira ndinochishaya. Ndakambobatsirwa nedare kuti vabhadhare $50 asi vatova nemwedzi mizhinji vasina kubvisa kana kobiri zvaro. Mari yemendenenzi ngaitowedzerwa kusvika mu$230,” akadaro Chikwanda.

“Iko zvino akabvisa mwana pachikoro chaaibhadhara $50 achimuendesa pane chinobhadharwa $135, kungoti moyo wake ufare nekutambura kwangu. Apa mwana haakwanisi kupihwa matsamba ekuti aende kune chimwe chikoro nenyaya yechikwereti chiri kuchikoro kwaari kudzidza.

“Ikaka katori kekutanga kutoona mwana wake mucheche uyo ave nemwedzi misere yekuberekwa. Haana kana mbatya dzaakatengera mwana wake mutsva zvaita kuti ndishande semuranda kuvariritira vose vari vashanu nekutengesa kobhura pamwe nekurima. Mumwe wacho ari kukireshi ndinotoendesa iri kobhura semubhadharo wemari yechikoro sezvo mari vasingandipe.”

Chituu akapokana nemashoko aChikwanda achiti:
“Mari yataurwa iyi handiikwanisi nokuti kwandaishanda mubindu basa rakapera uye kwandinombovaka pano neapo zvinhu hazvisi kufamba. Mukadzi wangu ari kushandisa makamuri maviri saka ngavagare vose vari vatanhatu mune imwe chete kuti akwanisewo kuchengetedza imwe mari, ngaasanyepedzera kunge asiri kuziva zviri kuitika,” akadaro Chituu.

Mutongi Barbara Masinire akati Chutuu aifanira kubhadhara $125 pamwedzi yekuriritira vana vake vashanu.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey