Uncategorized

vana vechikoro 70 vogara mugomo …. . . vachironga ‘hurumende’ yavo

13 Oct, 2017 - 00:10 0 Views
vana vechikoro 70 vogara mugomo …. . . vachironga ‘hurumende’ yavo PACHIKORO

Kwayedza

Kingstone Mapupu —
VANA vechikoro vari pakati pe56 ne72 — vakomana nevasikana — vepachikoro cheMuchapondwa Primary School chiri kwaMusana, kuBindura, vanga vachigara musango riri mugomo kubvira pakavhurwa zvikoro kutanga kwetemu ino munaGunyana kusvika svondo rapera umo vanonzi vaironga “hurumende” yavo yekuzorwisa vadzidzisi vavo avo vavanoti vanovashungurudza.

Vana ava — kubva veGrade 3 kusvika 7 — vanonzi vaibva kudzimba dzavo vachiti vari kuenda kuchikoro apo vainogara mugomo reMahori, iro riri padyo nechikoro ichi uye rinonzi rinoyera.

Kusvika pazozivikanwa nyaya iyi svondo rapera, vana ava vanonzi vange vapanana zvigaro zveyavanoti “hurumende” yavo zvinosanganisira mutungamiriri, mutevedzeri wake nemakurukota acho.

Mashoko anobva munharaunda nekune vamwe vana vepachikoro ichi anoti vana ava vakatora zvirauro kudzimba dzevabereki vavo, izvo vange vachishandisa kubatisa hove murwizi Karoi rwuri munzvimbo iyoyi.

Hove dzavairaura vanonzi ndidzo dzavaidya vari mugomo umu.

CHIKORO

Mumwe mukomana ari muGrade 6 pachikoro ichi — uyo watisingakwanise kudura nezita nekuda kwezera rake — anoti akatombokokwa nevamwe vechikwata ichi kuti vanogara vose musango vachidya hove asi iye ndokuramba.

“Ini ndakatombofurirwawo kuti ndijoinhe chikwata ichi asi ndikazviramba. Zvainzi taizopota tichibva kumba tonanga kumakomo uko taifanirwa kunoswera, hapana aizouya kuchikoro.

“Kunesu vakaramba, takavhundutsirwa tichinzi pavanozodzoka musango umu vachauya vachitirwisa pamwe chete nevadzidzisi vedu.

“Izvo zvekuiti vakaronga nyaya iyi nekuti vaishungurudzwa nekurohwa pachikoro ichokwadi, tinorohwa pano,” anodaro mwana uyu.

Anoti vana ava vaibva kudzimba dzavo, vonoswera mumapako ari mugomo iri vachizodzokera kudzimba zuva radoka apo vabereki vaisaziva kuti vainge vasingasvike kuchikoro.

Vana ava vanonzi vakasarudza vatungamiriri vavo pamwe nemakurukota “echihurumende” chavo chemusango umu.

“Akaitwa president ndi***, mutevedzeri wake ari *** (mazita avo vose tinawo) – vose vari Grade 7 uye vari vemhuri imwe chete. Vanga vaine makurokota avo uye vanonzi vaiswera vachironga zvavaida kuzoita pachikoro senzira yekuranga vadzidzisi vavo nevamwe vana vairamba zvavaida,” anodaro mwana uyu.

Vamwe vana vanonzi vange vagadzwa muhutungamiriri vanosanganisira vamwe vaviri veGrade 6 nevaviri veGrade 7.

“Vana ava vakazoonekwa nemumwe murume aivhima mugomo umu, uyo akavabvunza kuti vaiitei musango asi vakatanga kupopotedzana naye izvo zvakaita kuti anomhan’ara nyaya iyi kumukuru wechikoro chedu, VaNgoni Pamire nemutevedzeri wavo VaSarathiel Muchapondwa. Apa ndipo pakazorongwa kuti vana ava vanganobatwa sei musango umu,” anodaro.

Vadzidzisi vepachikoro apa vanonzi vakazokwira mugomo iri ndokunowana vana ava vari pakati pemusangano vagere pasi pemiti apo vanonzi vaipanana mikana yekutaura.

GOMO RE MOHORI

“Maticha akasvikobvunza vana ava mararamiro avanoita musango vachivatora mavhidhiyo nenharembozha dzavo, aripo pachikoro mavhidhiyo iwaya. Vana ava vakati vanotiza kurohwa pachikoro uye vamwe vavo vakazorangwa pa’assembly’ takatarisa nemusi weMonday wadarika,” anodaro mwana wekuramba kupinda muchikwata ichi uyu.

Vabereki vane vana vange vachigara mugomo ava vanonzi vakashevedzwa asi kwakangouya mubereki mumwe chete.

“Mubereki akauya chete ndiMai *** (zita tinaro) vemubhuku raMatanda uye vane mwana wavo aiva muchikwata chevaigara musango,” anodaro.

Mukuru wezvedzidzo mudunhu reMashonaland Central — Provincial Education Director (PED) — avo vakangozviti vanonzi VaMudiwa vanoti nyaya yekuti vana vepaMuchapondwa Primary School vaitiza chikoro vachinogara musango riri mugomo yange isati yasvika kumahofisi avo kusvika nemusi weChipiri svondo rino.

“Nyaya yamunotaura ndiri kutoinzwa kekutanga nemi, hakuna akambouya kwandiri achitaura nezvayo – kunyangwe vakuru vechikoro vacho. Ndichatsvaga chaizvo zvakaitika, izvozvi ndiri kubva kuGuruve nebasa,” vanodaro VaMudiwa apo vaitaurwa navo neKwayedza panharembozha yavo.

Mutevedzeri wemukuru wechikoro ichi – icho chiri mumugwagwa unobva kwaNyava uchienda kuBindura – VaMuchapondwa, avo vakawanikwa neKwayedza vari pabasa, vakaramba kutaura zvakawanda vachiti zvinotoda mukuru wechikoro, VaPamire, avo vainge vasipo.

“Mitemo yedu haitibvumidze kutaura nemi vatori venhau zvisinei kuti panogona kunge paine zvakaitika,” vanodaro.

Pavakaridzirwawo nhare neKwayedza, sachigaro wekomiti inomirira vabereki pachikoro ichi yeSchool Development Committee, VaRomeo Nyanhete, vanoti havana ruzivo nenyaya iyi.

“Imi ndimi aniko? Nyaya yamunobvunza iyi handina ruzivo nayo zvakare handipo, ndichatonobvunza kuchikoro kuti chiiko chakaitika,” vanodaro VaNyanhete.

Mambo Musana, VaJoel Nyarumwe, vanoti nyaya yevana ava vari kungoinzwa nemakuhwa.

“Hakuna ati auya kwandiri nenyaya iyi, ndiri kungoinzwa nemakuhwa saka ndakavamirira kuti vauye nayo kudare rangu,” vanodaro Mambo Musana.

Akataura akamirira Sabhuku Mutumbi vemunzvimbo iyi, VaWashington Mutumbi (47), vanotsinhira nyaya iyi vachiti ichokwadi kuti vana ava vaitiza chikoro vachigara mugomo nekurwizi.

“Vana ava huwandu hwavo huri kusiyana — vamwe vanoti i72, vamwe vachiti 60 vamwewo voti 47. Asi ichokwadi kuti vana ava vaitiza pachikoro, voenda kugomo reMahori nekurwizi rwaKaroi uko vainochera makomba nekutamba.

“Isu takaendako tikanozvionera asi takawirirana kuti misikanzwa yevana chete, kwete zviri kunzi nevamwe vaiita zveSatanism,” vanodaro.

VaMutumbi vanoti zvekuti vana ava vaironga kuzorwisa vadzidzisi vepachikoro chavo havana ruzivo nazvo.

“Nyaya iyi iri kutaurwa nepakawanda, zvekuti vana ava vainoraura hove hamheno, ini handina kuzviona,” vanodaro VaMutumbi.

Pasi pemutemo wenyika, vana havatenderwe kurohwa, kungave kuchikoro nematicha kana kumba nevabereki vavo.

Hazvisati zvajeka kuti sei kwenguva yakareba kudai chikoro ichi chisina kunge chakahadzika nekushaikwa kwevana vakawanda kudai pachikoro uye panguva imwe chete. Zvekare, ivo vabereki vevana ava sei vasina kunge vazvibata kuti vana vavo vaisasvika kuchikoro?

Share This:

Sponsored Links