Vana vechikoro vachabatsirwa

26 Jun, 2014 - 16:06 0 Views
Vana vechikoro vachabatsirwa VATIRIVASHOMA Mavisi

Kwayedza

VATIRIVASHOMA Mavisi

VATIRIVASHOMA Mavisi

DAMBUDZIKO revana vanoshaya mari dzechikoro kuHurungwe, kuMashonaland West chichava chinhu chakare zvichitevera kuparurwa kwakaitwa homwe yerubatsiro nevamwe vanamuzvinhabhimisi vemudunhu iri.
Hurungwe Scholarship Association yakaumbwa nevarume vatatu vane mabhizimisi kunzvimbo dzakasiyana munyika nedonzvo rekuedza kupedza dambudziko revana vanoshaya mari dzechikoro.

Homwe iyi yakaumbwa mushure mekunge zvaonekwa kuti kune vana vanobudirira mubvunzo dzavo asi vozotadza kuenderera mberi nedzidzo nekuda kwekushaya mari.

Vanamuzvinhabhizimusi vakaumba homwe iyi ndevanoti VaItai Matavata Munenzva avo vane bhizimisi remabhazi, VaTirivashoma Mavisi vari mubhizimisi rekugadzira mabhazi naVaBenjamini Mudzindiko vanova murimi uye vari mubhizimisi remabhazi zvakare.

VaMunenzva ndivo sachigaro, mutevedzeri wavo ari VaMavisi apo VaMudzindiko vachiva munyori wehomwe iyi.
VaMavisi vanoti pfungwa dzekuumba homwe iyi dzakauya zvichitevera chikoro chitsva chavari kuvaka kudunhu reHurungwe, cheMulichi Boarding School

“Tine chikoro chitsva chatiri kuvaka tiri vatatu paMulichi icho chichatanga kushanda mutemu yekupera kwegore uye takatanga kuchivaka mugore ra2011. Takaona zvakare kuti kune vana vane vabereki vanoshaya mari munzvimbo iyi avo vachada rubatsiro ndokuumba homwe iyi mumwedzi waChivabvu,” vakadaro VaMavisi.

VaMavisi naVaMudzindiko vanobva kuHurungwe, VaMunenzva vachibva kuMhondoro.
“Homwe iyi tinotarisira kuti ichabatsira dunhu rose reMashonaland West kwete Hurungwe chete,” vakadaro VaMavisi.

Varume ava vanoti panopera makore gumi mudunhu iri munofanirwa kunge mava nemachiremba akawanda zvikuru nevamwe vakadzidza zvemhando yepamusoro.

VaMunenzva vakati chirongwa ichi hachitadze kubudirira ndokukurudzira vamwe vagari vekuMashonaland West kuti vadzokere kumusha vachinobatsira matunhu avanobva.

“Handina chandakatanga ndikakundikana ini, tine homwe ichabatsira vana vanoshaya, vachazenge vachisarudzwa nevavanogara navo munharaunda dzavo,” vakadaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey