Vana vechikoro vobatsira

01 Dec, 2017 - 00:12 0 Views
Vana vechikoro vobatsira LORRAINE NYAMASOKA

Kwayedza

Abel Ndooka —
VANA vepachikoro cheDominican Convent muHarare svondo radarika vakabatana nevezvimwe zvikoro zvinosanganisira Prince Edward mukuunganidza mari yekubatsira vanotambura nechikafu nembatya.

Chirongwa ichi chinofambirana nedingindira rinoti, “Feed a thousand campaign” uye mari ichaunganidzwa ichibatsirawo vasina pekugara.

Lorraine Nyamasoka, mutungamiri weboka reStudent Body paDominican Convent – iro rakaronga mutambo uyu – anoti vakaona zvakakodzera kuti vatore danho iri nechido chekuunganidza mari yekubatsira vanoshaya.

“Tinotenda Mwari nekuti chirongwa ichi chiri kufamba zvakanaka uye takwanisa kuunganidza mari yakawanda ichazobatsira vanotambudzika vanochengetwa kunzvimbo dzakasiyana nevamwe vanogara mumigwagwa.

“Isu sevana, takagara pasi ndokuronga chirongwa ichi nedonzvo rekubatsira vamwe vanoshaya. Nguva yatave kuenda yeKirisimasi, vamwe vanogona kunge vasina chekudya asi vamwe vachiita zvekurasa. Saka takati ngatizameiwo nepatinogona kuti tibatsire vamwe vedu vanoshaya,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti, “Izvozvi handikwanise kutaura kuti tave nemarii sezvo vamwe vachiri kungotumira.”

Chirongwa ichi chiri kutsigirwa nekambani yeSnack Box Quizin iyo yaitengesa chikafu pazuva iri nedonzvo rekuunganidza mari.

Mutungamiri weSnach Box Quizin, Mai Tinaye Bvumbe, vanorumbidza vana vepaDominican Convent nevekune zvimwe zvikoro nedanho ravatora iri vachiti zvinoratidza kuti vakarerwa uye vane hunhu hunoyemurika.

“Zvinofadza zvikuru izvi, kuona vana vechikoro vachifunga kuita zvirongwa zvakadai, zvinodadisa. Zvinoratidza kuti senyika, tiri kufamba mugwara rakanaka uye vana vari kudzidziswa hunhu hwakanaka, hwekurangarira vamwe vanotambura.

“Isu vakatidana kuti tiuye kuzotengesa chikafu tichizovapa imwe yemari inoenda kuchirongwa ichi uye takazvitambira,” vanodaro Mai Bvumbe.

Vaimbi vakaita saTeh Diamond vakatandadza veruzhinji pamutambo uyu.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>