Vana vePrince Edward vakagadzira mota itsva

27 May, 2016 - 00:05 0 Views

Kwayedza

VANA vanodzidza paPrince Edward High School, muHarare, vakanyora nhoroondo nekuva chikoro chekutanga pasi rose kuratidza hunyanzvi hwemagadzirirwo emotokari itsva, iyo iri kutarisirwa kugadzirwa mumakore maviri ari kutevera.

Vana ava, avo vose vanove muUpper 6 — vachibatsirwa nevarairidzi vezvikamu zveScience neTechnical zvepachikoro apa — vakaumba kambani yavo iyo iri padanho rekunyoreswa zviri pamutemo. Chirongwa ichi chiri kutungamirwa naMuzvare Princess Mushonga, chichitsigirwa neboka reBook of African Records rakabatana nekambani yeSanctuary Insurance Company.

Vadzidzisi vezvikamu zveScience neTechnical vepachikoro ichi vari kutsigira vana ava apo ruzivo rwakadzama-dzama vachirwupihwa nenyanzvi dzinoshandira muindasitiri ezvemotokari pamwe nekutengeserana.

Vachiparura zviri pmautemo chirongwa ichi pamwe nekambani iyo ichange ichizivikanwa nezita rekuti Prince Edward Automobile, district education officer kubazi redzidzo yepuraimari nesekondari, Muzvare Anatoria Ncube, vanoti bazi ravo rinotsigira hurongwa uhu zvizere.

“Tiri kuvatsigira zvakazara nekuti idonzvo rebazi redzidzo yepuraimari nesekondari kuti vadzidzi vawane fundo inovapa pundutso nekuvadzidzisa mabasa emawoko kuitira kuti vakwanise kuzviitira mabasa anovabatsira,” vanodaro Muzvare Ncube.

Vachitaurawo pachiitiko ichi, mukuru wechikoro chePrince Edward School, VaAgrippa Sora, vanoti chirongwa chekugadzira motokari ichi chakananga kubatanidza fundo yemumabhuku nezvinowanikwa muupenyu.

Keith Ncube ndiye mukuru wekambani iri kunyoreswa iyi, Tanyaradzwa Makurumidze ari business development manager. — The Herald.

Share This:

Sponsored Links