‘vana vose kuchikoro’l Mambo Chihota votonga vabereki vasingaendese vana kuchikoro nevane zvikwereti

20 Aug, 2015 - 00:08 0 Views
‘vana vose kuchikoro’l Mambo Chihota votonga vabereki vasingaendese vana kuchikoro nevane zvikwereti Mambo Chihota

Kwayedza

Mambo Chihota

Mambo Chihota

MAMBO Chihota vekuMashonaland East vari kubatsira zvikoro zviri mudunhu ravo kubhadhara zvikwereti zvemari dzevana muzvikoro kuburikidza nekutonga avo vanenge vasina kubvisa mari idzi.

Pamusoro pezvo, imhosva kudare ramambo ava kuti mwana asaende kuchikoro mudunhu ravo.

Mambo ava, VaRaphael Chigodora (41), vanotova nevabereki vavakatonga mushure mekunge vazivikanwa kuti vane vana vasiri kuenda kuchikoro kana kuti vane zvikwereti kuchikoro.

Mambo Chihota vanoti mwana wose wezera rekuenda kuchikoro haatenderwe kuswera ari pamba vamwe vachidzidza.

Vanoti vakaronga kuti vabereki vanenge vachitadza kubhadhara mari dzevana dzechikoro vaende kudare ravo vowirirana nevakuru vezvikoro kuti mari idzi dzichabviswa sei.

“Vakuru vezvikoro vaona kuti zvainetsa kuti vabereki vabhadhare mari, vakauya kwandiri ndokugara pasi navo ndikashevedza masabhuku angu ose, ayo ndakapa simba rekuti vauye nevabereki kudare rangu vanenge vachinetsekana nekubhadhara mari dzechikoro kuitira kuti votaurirana nevakuru vechikoro. Kuburikidza nehurongwa uhu, zvinhu zvave kufamba uye mari dzechikoro dzave kubhadharwa,” vanodaro.

Mambo Chihota vanoti vamwe vabereki vanopihwa mabasa ekuita muzvikoro vachibhadharwa mari iyo vanozobvisa sefizi.

“Masabhuku edu zvakare vanofamba mumisha vachitarisa vana vasingaende kuzvikoro inova nyaya yavanozounza kuno totarisa dambudziko rinenge riine mubereki kana kuti kumwana sezvo vamwe vana dziri nherera kana kuti vabereki vanenge vakarambana,” vanodaro Mambo Chihota.

Zvikoro zviri mudunhu ramambo ava zvine vana vari kubatsirika nehurongwa uhu zvinosanganisira masekondari nemapuraimari anoti Furamera, St Phillips Mbonje, Mutero Primary neSt Peters Gudza Primary.

Zvakadai, Mambo Chihota vanoti chikwereti chemari yefizi isina kubhadharwa nevabereki muzvikoro zvemudunhu ravo chinosvika US$6 374 iyo vari kuedza kuti ibhadharwe.

“Tinotarisira kuti mari isina kubhadharwa iyi patinosvika pakupera kwegore inenge yabviswa yose. Kune vabereki vane zvipfuyo, takati vanouya nazvo zvotengeswa kune vanozvida.

“Takapananawo zvisungo zvekuti kune vane mabasa muno, ngavapanane kuti vasimudzirane pane kupa vekure,” vanodaro Mambo Chihota.

Mumwe mubereki wemudunhu iri nguva yadarika akamiswa mudare ramambo ava akatarisana nemhosva yekuregedzesa vana vake kuenda kuchikoro.

VaGibson Chiwaya (45), vainzi vainge vamisa vana vavo vaviri kuenda kuchikoro paFuramera Primary School nekuda kwechikwereti cheUS$45.

Mambo Chihota vakatongera murume uyu kuti vana vaviri ava vadzokere kuchikoro panotanga temu inotevera uye kuti kusvika panopera mwedzi waGunyana ange abhadhara chikwereti chemari yechikoro ichi.

 

Share This:

Sponsored Links