Uncategorized

Vanasikana vanokumura baba hembe, vovagezesa

28 Jul, 2017 - 00:07 0 Views
Vanasikana vanokumura  baba hembe, vovagezesa

Kwayedza

Kingstone Mapupu —
VANASIKANA vanoroja mumusha weSouthlea Park, muHarare, vane rudo rwunoshamisa — vanokumura baba vavo vekuvabereka mbatya, vovagezesa nekuvapfekedza dzimwe hembe, zvose nekuvabvisa tsvina sezvo vachiti hapana mumwe anokwanisa kuvapepa hurwere hwavo.

VaNisson Wenira Musasa (80) vakashaikirwa nemudzimai wavo mugore ra1998 ndokuzoroora mumwe mukadzi uyo wavakazosiyana naye.

Murume uyu ari kurwara zvekutadza kumuka kana kuzvibatsira, izvo zviri kukonzera kuti vanasikana vake vapote vachimugezesa.

Harahwa iyi inobva kumusha mubhuku raZhakata, kwaRuzawi, kuHwedza uko kune munin’ina wayo mumwe chete asara.

VaMusasa vakaita vana vasere — vasikana vatanhatu nevakomana vaviri — avo vose vanoshandira kunze kweguta reHarare nekune dzimwe nyika.

Sekuru Musasa vave kuzviitira tsvina neweti pavanenge vari sezvo vasisakwanise kufamba kana kumuka. Vanoita kudya kwekupachikwa nevanasikana vavo ava.

Mumwe wevanasikana ava, Emillia Musasa (39), anoti vanobvisa baba vavo mbatya, vovagezesa nekuvapfekedza dzimwe pasina kutya kana kunyara sezvo pasina mumwe anokwanisa kuzviita kunze kwavo.

“Hapana zvatingaita, ndibaba vedu saka kana iri mhosva ticharipa nekuti hatikwanise kuvasiya vachiwora netsvina isu tiripo. Amai vedu — Rudo Tsoka — vakashaika mugore ra1998. Baba vakazoroora mumwe mukadzi muna 2010 uyo akavatiza mugore ra2014 achiti haagare nechembere,” anodaro Emillia.

Anoenderera mberi: “Ndinovakurura mbatya nekuvagezesa sekugezeswa kunoitwa munhu wose, kana vana vadiki. Ndibaba vedu vaitipa rudo rwuzere vasati varwara, saka regai tidzosere rudo rwavaitipawo.

“Kana pane achada kutipawo mhosva — wekwababa kana kwaamai — takazvipira kuripa.”

Murume uyu ari kugara pamba panoroja mumwe wevanasikana vake, Rufaro Musasa (42), uyo anoenda kubasa achivasiya nemunin’ina wake, Emilia.

“Ini ndinobva kuStoneridge kwandinogara ndichiuya kuno kumba kwaRufaro kuzosara nababa ndichivashambidza nekuvapa chikafu. Iyewo Rufaro kana asina kuenda kubasa, tinobatsirana kuvagezesa.

“Tine vamwe vevana vedu vatinogara navo pano vanoti wemakore 15 newemakore 21 okuberekwa avo vanobatsirawo kuvasandura pakurara,” anodaro Emilia.

Murume uyu akaiswa chubhu yekuitisa weti zvichitevera kurwara uku.

“Tapedza zvipatara nababa vedu nekuda kwekurwara uku. Kana nguva yavo yakwana vanofa tiinavo, tichivaitira zvavanoda. Tinodawo mari yekuti tivatsvagire mimwe mishonga newiricheya sezvo vasisakwanise kumuka kana kufamba,” anodaro.

Pakuenda panze kuti vambovandarira zuva, vanoti vanoita zvekuvatembedzana.

“Vanogona kuita masvondo maviri vasina kubuda panze ndichishaya wekuvatakura naye, dzimwe nguva ndinoguma ndashevedza vavakidzani,” anodaro Emillia.

Anoti vakatengera baba vavo madhondoro ekufambisa asi nekuda kwekushaya simba, havagone kuashandisa.

“Zvimwe zvinhu zvatinoda kudya kwavo kwakatsetseka, magirovhosi ekushandisa pakuvaisa mishonga mumaronda sezvo vakadziuka mazironda kumagadziko nekuda kwekugara vakarara. Tinodawo sipo nezvimwe zvakasiyana. Ndinovagezesa kanokwana kana kana kashanu pazuva nechikonzero chekuti vanenge vazviitira,” anodaro.

VaMusasa, avo vaive bhiridha kubvira makore ekuma 1950s, vanoti vakakanganiswa nebasa rairema rekuvaka iri, izvo zvavanoti ndizvo zvazounza hurwere.

“Ndakavaka zvivakwa zvinotyisa muno muHarare nekune mamwe maguta. Ndinogezeswa nevana vangu vasikana ava, ndatova mwana mudiki chaiye. Ndinovatenda kuti havandiseme.

“Pavana vangu vakomana, mukuru anoshandira kuBotswana mudiki ari muno, asi anoshandira kure neni,” vanodaro sekuru ava varere.

Emilia anoti babamudiki, munin’ina wababa asara – VaVincent Musasa – vanogara kumusha kuHwedza uye madzitete avo vakapera kufa.

Vamwe vanasikana vaVaMusasa vanogara kunzvimbo dzakasiyana muHarare, avo vanonzi vanoenda vachiona baba vavo nguva nenguva.

Kune vanoda kubatsira mhuri iyi vanokwanisa kuridza nhare dzinoti 0772 962 153 kana 0775 785 644.

Share This:

Sponsored Links