Uncategorized

Vane huchapa voripiswa $20

26 Nov, 2015 - 00:11 0 Views
Vane huchapa voripiswa $20

Kwayedza

VANHU vane katsika kekurasira marara pose-pose muguta reHarare vatarisana nekusungwa vachibhadhariswa mafaindi e$20 pasi pechirongwa chekuchenesa nharaunda icho chakatanga svondo rapera.

Mashoko aya akataurwa nevakafanobata chigaro chemunyori mukuru (Town Clerk) weguta reHarare, Mai Josephine Ncube, pamusangano wavakaita nevatori venhau.

Chirongwa ichi chiri kutsigirwa nesangano reEnvironmental Management Agency (EMA), kanzuru yeHarare nemapurisa eZimbabwe Republic Police uye chine donzvo rekuona kuti guta reHarare nedzimwe nzvimbo dzakapoteredza dzagara dzakashambidzika.

“Chinangwa chedu ndechekuti guta reHarare rigare rakatsvinda semakare. Iko zvino dambudziko remarara rakura zvikuru nekuda kwevanhu vane katsika kekungorasa marara pose-pose.

“Pasi pechirongwa ichi, tichange tichikusha mashoko echenjedzo kune veruzhinji nezvakakoshera kuisa marara mugomba kana kuapisa. Marara anokonzera zvirwere zvakadai semanyoka nemalaria nekuti humhutu hunofarira kuberekera pane marara.

“Mamwe emarara aya tiri kuona achigumisira ave kuvhara munofamba nemvura, kunyanya munguva ino yekunyaya kwemvura. Kune murawu unotibvumira kuti tisunge vapari vemhosva idzi uye vachabatwa vari kunze kwemutemo vacharipiswa faindi ye$20,” vanodaro Mai Ncube.

Vanoti vanofara zvikuru kuti vatengesi vepanze pamwe nevemakombi vari kutsigira chirongwa chekuti guta rigare rakachena ichi.

“Nemushandirapamwe wemapurisa uye EMA, tichafamba tichipa chechenjedzo munharaunda dzakasiyana nemumigwagwa. Maguta edu atove misha yemapete, makonzo nenhunzi nekuda kwekuti pombi dzinofambisa tsvina yesuweji dzakapera kuvharika.”

Mai Ncube vanokurudzira vemabhizimisi kuti vave nemabhini ekuchengetera marara ayo anoraswa nemakasitoma avo senzira yekuderedza matambudziko ekusvibiswa kwenharaunda.

“Takaona kuti marara mazhinji ari kubva kuchikafu apo mapepa anenge akaputira chikafu anoraswa, kusanganisira chikafu chacho chinenge chichisara. Zvakakosha kuti vanhu vashandise mabhegi kana mabhasikiti mukutakurira zvinhu zvavanenge vatenga kuitira kuti tideredze tsvina yemapepa inova dambudziko guru,” vanodaro.

Vanoti mamwe emarara emhando iyi anogona kugadzira zvinhu zvinobatsira muupenyu kana kuwanisa mari.

Zvakadai, vanhu veruzhinji vari kunyunyuta nekuda kwekushaikwa kwemabhini mumakombi uye mabhazi izvo zviri kuita kuti vafambi vapedzisire vorasa marara pamahwindo.

Vamwewo ndivo vari kuti kudai Zimbabwe yatevedzera zviri kuitwa nedzimwe nyika dzakadai seChina, Botswana neSouth Africa apo kuraswa kwemarara pose-pose kunotorwa semhosva huru inotoendesa munhu kujeri senzira yekurwisa huchapa uhwu.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>