Vanhu kwete zvinhu

14 Apr, 2017 - 00:04 0 Views

Kwayedza

MUMWE murume akaendeswa kudare nemhosva yekupa mwana wevaridzi pamuviri. Murume uyu akaudza dare kuti nhumbu ndeyake, uye kuti anoda mwana, asi haadi amai vemwana.

Hazvireve chinhu kuti haudye nguruve, asi muto wayo unodya. Hakuna imba yaunovaka, kana mwana waunokudza zvakanaka nekuti mwana anoda amai nababa kuti ave munhu akakwana. Vanhu vazhinji vari kuita vana, asi vasingade kuzoita vabereki.

Ini handifarire kuchema kwemwana nekuti kuchema mutauro wemwana wekuti ndibatsireiwo. Handidi rufu rwemwana, nekuti harwuna chitsotsi chekuti tigofadzana tichitaura manyepo marefu parufu.

KuUnit L, kuChitungwiza kune mwana akafira mudhireni remvura nemusi weSvondo. Mwana uyu anga achirerwa nemusika weSpeed, mwana asina baba namai.

PaSpeed pane yese. Panotengeswa zvese – panotengeswa vanhu, sadza, mafoni, mbanje, zvekuvakisa nezvekupazisa.

Mwana akafa kuL akanga achizivikanwa, uye iye achizivawo vanotengesa paSpeed, nekuti ndipo panga pari pamba pake. Baba naamai vake vanga vasina basa naye. Vanga vasingazive kuti adyei, anwei, ataura nani, ari kupi, ari kuchemei?

Baba namai vake vatambi venjuga paSpeed. Vanga vasina hukama nemwana.

Asika, nyika kuti inzi inyika zvinobva muvana. Vana vakasachengetwa nekuchengetedzwa vachidzidziswa nekupindurwa mibvunzo yavo, vanofa. Kufa kwevana kufa kwenyika nekuti vana ivavo ndivo vanofanira kuti nyika ipfuurire mberi kana isu vabereki tafa. Zvino kana vabereki vakange vari zvitunha zvinofamba, vana vanozovei?

Panyaya dzekurera nekuyarutsa vana, Zimbabwe yakundikana. Kurambana, kudhakwa, kushayira vana nguva ndiko kufa kwedu. Tave vanhu vanotongwa nezvinhu – tinotongwa nemabasa edu, kudzidza, kupuromotwa, mari nekutsvaga mari, madhiri, maWhatsApp, maWeave nekuzvida isu panyama dzedu zvekuti kuchengeta kana kurera vana chave chinhu chatave kuona semutoro.

Kurera vana chave chinhu chatave kusaidzira kuchechi, kana kumaticha kuzvikoro, kana kuvasikana vebasa. Asika, auntie, chechi nechikoro hazvisi mubereki. Saka kana tave kuona vana vedu semitoro inotemesa misoro, nekuti vanotitadzisa kuita zvatinoda, vana ivavo vachazove vanhu here kana mhuka? Vabereki havasisina nguva nevana. Vamwe vabereki ndivo vari kushandisa mari dzavo zhinji kutenga vana vavo kuti vasavanetse.

Variko vabereki vave kuti kumwana, “Kana ukasandinetsa, ndinozokupa mari yekuenda kunotenga zvaunoda.” Variko vabereki vari kutengera vana vadiki mazifoni ekuti ungati iTV. Variko vabereki vari kutengera vana macomputer, mota, maTablets, maDSTV Decorder ane machannel ese.

Chavari kutsvaga chete kuti zvinhu izvozvo zvivachengetere nekuvarerera vana.

Asi vana vanorerwa nezvinhu havana hunhu. Havazive kuti vanofanira kurarama sei munyika izere vanhu kwete zvinhu. Havazive kutaura nekutaurirana nevanhu. Vanoona TV kubva mangwanani kusvika husiku. Havaende kumunda, havatsvaire kana kuwaridza pavarara.

Ndivo vana vane vabereki vakadanana vari vana vadiki nekuti vakanga vaona zverudo nebonde pamafoni nepamaTV. Vakamhanyira kuita zvebonde, asi havana kuziva kuti kuita bonde kunosvitsa pakuitisa vana. Kana vana vachinge vazvarwa, havasi vana venyoka vanosara vachibuda muzai ivo amai vakasoenda kare kare.

Mwari vanoda kuti tirarame tiri pasi pemutemo nemurairo. Mubereki haafanire kutya kana kunyara kutsiura, kudzidzisa nekuraira mwana. Mubereki usarererwe mwana nenyika nekuti uri kumbopindura WhatsApp. Pauchasimudza musoro uchawana mwana aenda.

Chengetai vana vabereki, nekuti nemiwo makachengetewa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>