Uncategorized

‘Vanhu veSA musatidaro’

23 Apr, 2015 - 09:04 0 Views
‘Vanhu veSA  musatidaro’

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
VAGARI vemuZimbabwe vari kushora zvikuru mhirizhonga iri kuitika kuSouth Africa uko zvizvarwa zveko zviri kurwisa, kuponda nekubira vanhu vasiri zvizvarwa zvenyika iyi ikoko.Izvi zvinotevera kuuraiwa kwevanhu vane chitsama kuSouth Africa, zvikuru kunzvimbo dziri kuKwaZulu Natal nekuJohannesburg, apo zvizvarwa zveko zviri kupomera vanhu vekune dzimswe nyika kuti ndivo vari kukonzera kutambura kwavo kuburikidza nekuvatorera mabasa nezvimwe.

“Mhirizhonga iyi haina kunaka nekuti iri kutora upenyu hwevanhu, kukuvadza nekusungurudza madzimai nevana,” vakadaro VaGivemore Matanhire (46) vekuChitungwiza.

VaJimmy Vhareta (29), avo vanoti vakambopukunyuka mumhirizhonga yerudzi urwu kuSouth Africa mugore ra2008 vakati:

“Vamwe vanhu vekuSouth Africa vanofarira zvekurwisana nevanhu vatema saivo. Vanhu vanorohwa, kuuraiwa nekutorerwa midziyo yavo asi hapana muchena anosangana nedambudziko iri zvisinei nekuti anenge asiri chizvarwa chemuSouth Africa.

“Vanhu vemuZimbabwe kunyanya ndivo vari kushandiswa muminda, kuvaka uye vamwe vanoenda kunotenga ikoko zvinova zvinosimudzira upfumi hwenyika iyi asi vanongotorwa senhapwa. Mugore ra2008, pakamboitika Xenophobia ini ndakapukunyuka nekuti ndakange ndichishanda semurindi saka vakandisiya.”

Mai Petros Karume (29) vekuEpworth vanoti zvinorwadza kuti vanhu vekuSouth Africa vanodzinga vekune dzimwe nyika asi ivo vazere munyika dzakaita seZimbabwe.

Mashoko avo akatsinhirwa naMai Ruth Samuriwo (54) vekuDomboshava avo vakakurudzira zvizvarwa zvemuZimbabwe zviri kuSouth Africa kuti zvidzoke kumusha.

“Hama dzangu ndinoti dzokai musagare munyika yamusingadiwe nekuti tinofara kukuonai muri vapenyu. Hondo yakarwiwa munyika muno kuti musununguke saka musavambirwe imwe hondo kunyika yevatorwa,” vakadaro.

Mai Maria Tsikai (30) vekuEpworth zvakare vakashora mhirizhonga iyi. “Vanhu vari kunyanya kudzingwa ndeve muno muZimbabwe. Dindingwe rinonaka richakweva rimwe asi kana rokwevewa iro roti mavara angu azara ivhu. ngavatende kuti isu tinoda runyararo rwunogara rwuchiparidzwa nemutungamiriri wenyika President Robert Mugabe,” vakadaro.

Hurumende yeZimbabwe inoti iri kushushikana zvikuru nekuda kwemhirizhonga iyi uye yakatora matanho ekubatsira zvizvarwa zvemuno zviri kuSouth Africa.

Hurumende yakatumira mabhazi ekunotakura vanhu vemuno vakazvipira kudzoka kumusha uye 407 vakatosvika munyika muno neMuvhuro wadarika.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>