Vanhukadzi vakawanda vorima fodya

16 Jun, 2017 - 00:06 0 Views
Vanhukadzi vakawanda vorima fodya

Kwayedza

HUWANDU hwevanhukadzi vakatengesa fodya yavo kumisika yakasiyana mwaka uno hwakawedzera nechikamu che57 percent kana zvichienzaniswa na2016.

Vanhukadzi vanosvika 11 000 vakatengesa fodya yavo gore rino kubva pa7 000 vemwaka wadarika.

Ephiphania Chigora (25) uyo anorima fodya ari kwaZvimba anoti akaona kuti kurima chirimwa ichi kune pundutso kubva kuna vatezvara vake avo vakazoshaika.

“Tezvara vangu vaishanda nesimba mukurima fodya. Vakandikurudzira kuti nditange kurima chirimwa ichi. Ndakatanga nekurima paduku ndokubva ndaramba ndiri mugwara. Kuti urambe uri mugwara zvinoda kuzvipira zvikuru,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti, “Ndakatanga nechidimbu chehekita sezvo ndaida kuona kuti zvinombofamba sei. Sezvinoitika pose paunge uchida kumboyedza zvinhu, hazvina kufamba sezvataitarisira. Zvisinei, takadzidza zvakawanda kubva pane zvakaitika. Ndakashuvira kukura mukurima fodya mumwaka waitevera sezvo ndakange ndambodzidza zvimwe mwaka wadarika saka ndakazama kurima mahekita maviri.

“Uno mwaka wangu wechina uye ndinonzwa manyukunyuku ekuti ndakakwanisa kutenga tirakita yangu yemhando yeMassey Ferguson MF 390 neimwe motokari yangu kubva mukurima fodya.

“Tirakita iyi iri kuita kuti ndiwane imwe mari zvakare sezvo ichihaiwa nevavakidzani vangu vasina zvekurimisa muminda yavo. Kubva kumakore mashoma andave semurimi, ndinotaura ndakasimba kuti kurima fodya kune pundutso.

“Handina kumbobvira ndatsvaga rimwe basa rekuita uye kurima fodya kwandisimudzira zvikuru. Ndakashandisawo zvakare mari yandakawana mukurima fodya mukutanga bhindaduko rekuchengeta zvipfuyo zvakasiyana.

“Mwaka uno ndakarima mahekita maviri uye ndiri kutarisira makgs 9 500 efodya yemhando yepamusoro,” anodaro.

Zvakadai, Chigodora anoshushikana nekusanduka kuri kuita mamiriro ekunze achiti ndiro rimwe dambudziko guru raakatarisana naro.

“Mwaka uno takawana mvura yekunaya yakawanda zvikuru iyo yakapedzisira yokanganisa mhando yefodya yedu asi mwaka wadarika mvura yakanonoka kunaya. Izvi zvinoreva kuti mvura yakawanda pamwe nekusanaya kwayo zvakanaka zviri kukanganisa budiriro yedu. Nedonzvo rekupedza dambudiko iri rekusanaya zvakanaka kwemvura, ndakatenga muchina wemadiridziro kuitira kuti basa rangu rienderere mberi zvakanaka. Ndave kunyanya kushandisa madiridziro pane kuvimba nemvura yekudenga.

“Rimwe dambudziko randagara ndichitarisana naro nderekutenga marasha ekupisisa fodya kubva kuHarare, uko kunove kure zvikuru. Ndinoshuwira kuti kudai marasha aya achiwanikwawo mumadhorobha madiki nekumagrowth points,” anodaro.

Muna 2016, chikamu che27 percent chevakanyoresa kurima fodya vaive vanhukadzi.

Chigora anokurudzira vamwe vanhukadzi kuti vashandise kutenda vatange kurima fodya sezvo vachikwanisa kubatsirikana nemisangano inoitwa gore rose neveTIMB vakabatana neAGRITEX pamusoro pemarimiro akanaka, uyewo varimi vanodzidziswa zvakare neTRB paKutsaga Research Station.

Chigodora anoti ruzivo rwaawana kubva mukudzidziswa rwuri kumubatsira zvikuru kuti asimukire semurimi.

Kuti munzwe zvakawanda ridzai nhare kumahofisi eTIMB panhamba dzinoti 08677004624/6, 0772145166/9, 0279-22082/21982, 025-3439, 067-24268/29246, 0277-2700, 064-7280 ne0271-6772.

Munogona kutibata pamanhamba eToll Free zvakare anoti 08006003 / 0731999999 / 0712832804.

Kana padandemutande rinoti: [email protected]

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey