Vanhukadzi, vanhurume murungano

17 Mar, 2017 - 00:03 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi Gunduza —
MABURITSIRWO evanhukadzi nevanhurume munyaya:

VANHUKADZI:

Vanhukadzi vanosanganisira vasikana navanamai vakaroohwa kana chembere dzechikadzi dzatinoona dziri munyaya. Vanhukadzi vari munyaya iyi vanoburitswa nenzira dzakasiyana-siyana.

Vanhukadzi vanoburitswa vachitapwa nevanhurume sezvinoitwa Beaula anopambwa nembavha dzekuba mari kuC and T Private Limited.

Vanhukadzi vanoburitswa vachiurayiwa vasina mhosva — zvinobuda nekuurayiwa kweshamwari mbiri dzaBeaula idzo dzinofira mutsaona yemotokari dzichibva kubasa. Izvi zvinonzi zvakakonzerwa nembavha dzekuba mari kuC and T Private Limited.

◆Vanhukadzi vanoburitswawo vachishanda mabasa epamusoro — Beaula anenge achishanda semukuru wemaodhita aiongorora mafambiro ainge aita mari paC and T Private Limited.

Vanhukadzi vanoburitswa vachishungurudzwa nevanhurume kuburikidza nekurohwa mumhirizhonga yemudzimba – tinoona mudzimai anosangana naStanley achienda kuCentral Police Station achirohwa mbama nemurume wake pamberi pevanhu pamwe chete nekurambirwa vana achinzi vaive vekusango.

Eve anomanikidzwa kubvisa pamuviri pakanga pakurisa chaizvo naSolo sezvo akanga asingapatarisire — dai akaramba aisazopihwa mari yekuterera imba yaaigara neyekutenga chikafu.

◆ Mudzimai waSolo anosangana nedambudziko rekutorerwa murume naEve pamwe chete nekurohwa nashangu naEve. Solo wacho anozobatsirawo musikana waaidanana naye muchivande, Eve, kurova mudzimai wake.

◆ Vanhukadzi vanoburitswazve vachirwisana —tinonzwa kuti Ropa akanga aruma chigunwe chamainini vake achiita sekunge achachikwachura.

◆ Vanhukadzi vanoburitswa munyaya vari vanhu vasingayemurane —Ropa anotuka mainini vake achiti vasikana vebasa havana kudzidza uye havana chavanoziva. Ivowo mainini vaRopa vanodzoserawo kumutuka vachiti idofo risingagoni zvechikoro pamwe chete nekuda kumutema nemutambo uzere tsvina yemwana.

◆ Vanhukadzi vanoburitswa vachiedza kurwisa nyaya yekutsikirirwa kwekodzero dzavo kuburikidza nekuramba mhirizhonga yese yemudzimba — tinoona panorohwa munhukadzi mbama pana Angwa Street nemurume wake vanhu vachibva vatanga kuratidzira vachishoropodza chiitiko ichi kunyanya vanhukadzi. Panopondwa Eve vanhukadzi vanoonekwa vari pachivanze vachiratidzira.

◆ Vanhukadzi vanoburitswa vachiita zvechipfambi mumabhawa senzira yekutsvaga mari — tinoona Esinati naMasi vari kubhawa rePlaza Oriental vachivhima varume vekurara navo kuti vapihwe mari.

VANHURUME:

◆ Vanhurume vanoburitswa vaine hutsinye —tinoona mbavha dzekuba mari paC and T Private Limited dzichikonzera njodzi yekufa kweshamwari dzaBeaula dzaibva kubasa.

◆ Vanhurume vanoonekwa vari mhondi — tinoona Monya achienda kunouraya gadhi wepaSearing Heights, Samson. Anourayazve Eve ndokusiya amukanda mutabhu muzere mvura akamubaya nebanga kumusana.

◆ Vanhurume vanobuda vari mabhinya — tinoona Monya achibata Eve chibharo asati amuuraya.

◆ Vanhurume vanobuda vachiita huori — tinoona Samson achipihwa chiokomuhomwe navanaVheremu ndokuvatendera kupinda paSearing Heights asina kunyora mazita avo mubhuku rainyorwa vaenzi. VanaSolo vanenge vachiendesa fodya kunze kwenyika zvisiri pamutemo. Vheremu nevamwe vaaishanda navo kubazi rezvemari kuC and T Private Limited vanenge vachiba mari nechinyoreso.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>