Uncategorized

Vanhukadzi vanoda mukana: Ndlovu

06 Jan, 2017 - 00:01 0 Views

Kwayedza

BAZI rinoona nezvekushanyirwa kwenyika rinoti riri kutora matanho anoita kuti vanhukadzi vakwanise kupinda mubhizimusi rezvekushanyirwa nedonzvo rekusimudzira upfumi hweZimbabwe.

Mashoko aya akataurwa nemutevedzeri wegurukota rebazi iri, Cde Anastancia Ndlovu, pamusangano wezvekushanyirana pakati penyika dziri mudunhu reSadc, weRegional Tourism Organisation of Southern Africa (RETOSA) uyo wakaitirwa muHarare nguva pfupi yadarika.

“Isu seHurumende tichaita kuti pave nemitemo yekuti vanhukadzi vave nemikana yekupinda mumabhizimisi ane chekuita nekushanyirwa kwenyika. Vanhukadzi vashoma mudunhu reSadc avo vari kuwanikwa vachiita zvemabhizimisi ari pamusoro pezvekushanyirwa kwenyika,” vanodaro Cde Ndlovu.

Vanoenderera mberi vachiti, “Isu senyika yeZimbabwe zvatipa simba rekuti kubudikidza neHurumende, tive tinokumikidza mitemo ichasimudzira vanhukadzi nekuvapa mikana yekuita mabhizimisi nemabhindauko ayo anotsigira chikamu chezvekushanyirwa chenyika.”

Matanho aya, vanodaro Cde Ndlovu, anobatsira mukusimudzira upfumi hwenyika pamwe nekuzadzisa chishuwo chevanhukadzi mukuenzaniswa kwemikana pakati pavo nevanhurume munyaya dzemabhizimisi.

“Zvimwe zvinovhiringidza vanhukadzi inyaya dzekutarisirwa pasi zvakare nemafungiro evamwe vevanhu munharaunda dzavagere ekungoti munhukadzi haana simba, haakwanise kuita zvinoitwa nevanhurume.

“Kwete, handizvo. Munhukadzi ngaapihwe mukana nesimba rekupinda mune zvemabhizimisi nekusimudzira nyika.

‘‘Siyai vanhukadzi varatidze matarenda avo, tikadaro tinosvika kure,” vanodaro Cde Ndlovu.

Share This:

Sponsored Links