Vanhukadzi vari panyanga…Masabhuku echidzimai otungamirira budiriro

18 Dec, 2015 - 00:12 0 Views
Vanhukadzi vari panyanga…Masabhuku echidzimai otungamirira budiriro

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
MADZIMAI maviri anove masabhuku kwaMambo Chundu, kuHurungwe, anoti ari kushanda nesimba mukusimudzira budiriro munharaunda dzavanotungamirira.
Kwayedza yakashanyira dunhu iri munguva pfupi yadarika yakaita hurukuro nemadzimai aya, Sabhuku Dhuura, Mai Otillia Mangaira (60) vekuWard 1 naSabhuku Chundu, Mai Florance Butau (55) vekuWard 8.

“Ini ndini sabhuku wechikadzi wekutanga muZimbabwe apo ndakatanga kuita basa iri muna 1995 ndokuzogadzwa zviri pamutemo muna 2002. Ndakagadzwa ndichitsiva baba vangu, VaIsaah Butaumocho, mushure mekushaya kwavo.
“Muna 1995 ndaishanda pachinzvimbo chavo sezvo ivo vakange vari kushanda kuHarare.

“Ndinodada nechigaro ichi nekuti mikana yerudzi urwu yakange isiko kuvanhukadzi makare nekuti vaitoedza napose pavanogona kuti pawanikwe munhurume anochitora,” vanodaro Sabhuku Chundu.

Vanoti vanhu vemudunhu ravo vanoita mabhindauko ekuchera matsime kuitira kuti vawane mvura yakachena.
“Mvura idambudziko guru munzvimbo mangu. Naizvozvo ndakaona zvakakosha kuti ndibatsire vanhu vangu nemabhindauko ekuchera matsime kuti vawane mvura yakachena yekunwa, kudiridzisa pamwe neyezvipfuyo. Kuburikidza nematsime iwaya, vamwe vari kurima chibage uye fodya pasina zvekumirira mvura yekunaya uye tine madhamu anotiwanisazve mvura,” vanowedzera vachidaro Sabhuku Chundu.

Vanotiwo vanobatsira nherera nechirikadzi kuburikidza nechirongwa cheZunde raMambo apo vanorima zvirimwa zvakasiyana zvavanochengetera mudura rakangomiririra kubatsira vanotambura.

Sabhuku Chundu vanoti munhukadzi kuve sabhuku zvinoda kushinga pamwe nekuzvisimbisa. “Panguva yaunenge uri pachigaro seni kudai, zvinoda kushinga nekuti kare zvigaro izvi zvaipihwa varume bedzi saka vanenge (varume) varipo vakamirira kukuwisira pasi.

“Chokwadi ndechekuti hakuna murume anoda kutongwa nemunhukadzi. Asi ini ndinozvikwanisa nekuti ndakatambira chirongwa chekuenzaniswa kwemikana pakati pevanhurume nevanhukadzi nokudaro kana mabasa tinofanira kuita mamwe chete,” vanodaro.

Sabhuku Chundu vanoti mumatare avo vanowanzosangana nenyaya dzine chekuita neruvengo uye miganhu yeminda idzo vanoyananisa zvichibatsirawo mukudzivirira nyaya dzemhirizhonga.

Sabhuku Dhuura vanoti vave nemakore mashanu vari pachigaro ichi uye vanhu vemudunhu ravo vari kuita mabhindauko akaita sekukanya zvidhinha zvekuvakisa zvikoro kana dzimba.

“Zvidhinha zvatinokanya tinozviendesa kuzvikoro zviye zvinenge zvakasakara kuti pavakwe midhuri mitsva. Tinovakira zvakare nherera nechirikadzi dzimba pamwe nekugadzira migwagwa iyo iri kuramba ichiita makomba-makomba,” vanodaro

Sabhuku ava vanoti kunze kwemabhindauko aya, vanopangawo mazano kumadzimai kuti vagare nemhuri dzavo zvakanaka.
“Ndinoraira madzimai nzira kwadzo dzekuchengetedza dzimba dzavo dzakadai sekuti vasave vanoshungurudzika muwanano. Ndine nguva yekuvafundisa mabatirwo akanaka anoitwa vanababa mudzimba sekuvabikira, kugeza nekuchisa hembe uye kungogona kutaurirana zvakanaka kuti vagare murunyararo,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links