‘Vanhurume zvibatei’

27 Jan, 2017 - 00:01 0 Views
‘Vanhurume zvibatei’

Kwayedza

MUIMBI weSungura ane mukurumbira, Sam Mabukwa (40), anoti zvakakosha kuti vanhurume vazvibate panyaya dzepabonde uye kuti vabvisewo roora kuitira kuti vave nehukama hwakanaka nanatezvara vavo pamwe nechiremerera.

Mabukwa, uyo anoimba nechikwata cheSam Mabukwa and Ngosimbi Crew,  anopa kurudziro iyi kuburikidza nenziyo dziri padambarefu rake idzva rinonzi Teerera.

Dambarefu iri rine nziyo nhanhatu dzinoti Tsvakirai Kuno, Parudo, Vabereki, Shirikadzi, Rubatsiro Vanhu VaMwari naPahotera.

“Tsvakirai Kuno kambo kari pamusoro pevamwe vakuwasha vasina ganda kumeso vanogara nevana vevanhu vasina kuroora zvekutosvika makore 21 kana kudarika. Apa ndiri kuvapawo chisveru chekuti kunyangwe zvinhu zvichinetsa kubvisawo tsvakirai kuno kwakangonaka kuti vanhu mufambidzane paukama,” anodaro.

Kambo kanonzi Parudo kari pamusoro peshanje dzinoitwa nevamwe vabereki mushure mekunge vana vavo varoora vachida kuramba vachiwaniswa zvose pakurarama kwavo sekare apo mwanakomana wavo paaive asati ave nemudzimai.

“Kuchizoti pana Shirikadzi ndinenge ndichipanga mazano kuvanhurume kuti humwe hushirikadzi huri kuitika munharaunda huri kukonzerwa naivo apo vanonotora zvirwere zvepabonde kumabhawa zvovauraya vachisiya madzimai avo nemhuri,” anodaro Mabukwa.

Pahotera kambo kanokurudzira nyaya dzekushanya sekuti vadikani vanofanirwa kuenda kunofurwa nemhepo kunzvimbo dzinoyevedza.

Mabukwa akamboimba namushakabvu,  Admire Kasenga, apo vakaita mukurumbira paredhiyo nepaterevhizheni nenziyo dzinosanganisira Masweet 16, Zino Irema, Aunt Rhodha, Muchato waTobias, Baba Dzimurai Moto, Chitima Nditakure, Ziviso, Dzidzai naNjere.

Muchinda uyu akaberekerwa kwaGutu, kuMasvingo uye anoti chipo chake chekuimba chakatanga achiri kuchikoro achiita Grade 3.

“Pandakange ndiri kuita Grade 3 ndiri kumusha ndaifamba zvangu ndichiimba zvekuti rimwe zuva ndakazotanga kugadzira kagitare kangu kegaba nematanda. Kana ipo pachikoro, ndaiimba zvikuru muzvirongwa zvekwaya.,” anodaro.

Mabukwa anoti anotenda zvikuru chikwata chaanoimba nacho nekumutsigira icho chine nhengo dzinosanganisira Chomy Mabukwa (backing vocals), Faro Chikada (bass guitar), Knowledge Chirapu (rythm guiter) naKudakwashe Kaponda uyo anoridza madhiramu.

“Handikanganwi zvakare kupa kutenda kumudikani wangu – Emilda Kondo – nevana vangu vatatu vanoti Moleen, Aleck naLiarah nekuti vanonditsigira zvakanyanya mubasa rangu remimhanzi,” anodaro Mabukwa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>