Vanorarama neHIV votsvaga rubatsiro

04 Nov, 2016 - 00:11 0 Views
Vanorarama neHIV votsvaga rubatsiro

Kwayedza

CHIKWATA chemadzimai anorarama neutachiona hweHIV neAIDS kuNyanga chiri kutsvaga rubatsiro rwemapombi ekudiridzisa minda yavo yemadziridziro zvichitevera kunetsa kuri kuita mvura mudunhu iri.Madzimai eGamuchirai Gadern iri kuWard 9 mubhuku raSatuku, kwaIshe Saunyama, vakapa chikumbiro ichi nguva yadarika apo sangano reNational AIDS Council (NAC) raifamba nevatori vanhau kunzvimbo iyi vachiongorora zviri kuitwa nevari kurarama neutachiona hweHIV neAIDS mukuvandudza magariro avo nezvekudya zvavo.

Scholastica Manjoro, anova nhengo yechikwata ichi, anoti vari kutarisira kuita mabhindauko akawanda anovapa mari uye kuti vadye chikafu chinovaka muviri asi vakatarisana nedambudziko rekushaikwa kwezvekushandisa.

“Chikwata chedu chakatanga chichiita zvekuchengeta huku dzenyama asi hazvina kunyatsofamba zvakanaka nekuti dzaibatwa nechirwere dzisati dzasvika nguva yekutengeswa. Mushure mekunge zvehuku zvaramba, ndipo patakazovaka gadheni rekuti tirime muriwo wekudya pamwe chete nekutengesa,” anodaro. Anoti mumapindu aya vari kurima mbesa dzakaita semuriwo uye vagari vemunharunda yavo vari kuvatsigira nekuvatengera zvirimwa zvavo.

“Dambudziko ratava naro nderekuti patinochera mvura yedu pakanyanya kudzikira saka zvinorema kuti munhu abve murwizi akatakura mvura achidiridza, kunyanya tichitarisa nyaya dzeutano hwedu. Dai tawanawo rubatsiro rwemari kana makambani anoita zvemadiridziro rwemapombi anodhonza mvura kubva murwizi kana mumatsime,” anodaro.

Mashoko ake anotsinhirwa naCare facilitator kudunhu iri, Mai Clara Mutizamhepo, vachiti kuumbwa kwezvikwata zvevanorarama neutachiona hweHIV neAIDS kuri kubatsira zvakanyanya sezvo zvichivapa mukana wekupanana mazano.

“Kubva pakatanga chirongwa chemagadheni ichi nemabhindauko akasiyana-siyana, zviri kuderedza kupararira kwechirwere. Rubatsiro rwavave kutsvaga urwu kuratidza kuti zviri kuvafambira uye zvine pundutso sezvo pari ipo pane raramo yavo,” vanodaro.

Mushandi weNAC kuNyanga, VaLawrence Munyama, vanotiwo zvikwata izvi zviri kushanda zvakanyanya kuti vari kurarama netauchiona hweHIV vabude pachena izvo zviri kuita kuti vawane rubatsiro nekukasika.

“Asi tichine dambudziko nevamwe vanhu vechirume vasati vave kuda kuwanikwa vachipinda munyaya dzine chekuita nekurwisa kutapuriranwa kweHIV neAIDS. Zvisinei, tiri kuramba tichingoshanda nesimba mukukurudzira zvirongwa zvakaita sekuchecheudzwa kwevanhurume, kushandiswa kwemakondomu nekuongororwa ropa nekuti tinofanira kutanga kushanda nesimba mukuderedza zvirwere zvepabonde,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links