Vanorarama nehusope vobatsirwa

11 Nov, 2016 - 00:11 0 Views
Vanorarama nehusope vobatsirwa

Kwayedza

Malven Mugadzikwa

MUIMBI ane mukurumbira mumusambo wechitendero, Reverend Togarepi Chivaviro – uyo anove zvakare mumiriri wesangano reAlive Albinism Initiative – anoti vanhu vanorarama nehusope havafanirwe kusarudzwa kana kutarisirwa pasi munharaunda dzavanogara.

Rev Chivaviro akataura mashoko aya svondo rino neChipiri apo akapa Alive Albinism Initiative maCD edambarefu rake idzva rinonzi Tsitsi Dzake Ihuru kuti sangano iri rigomatengesa uye mari yacho yoshandiswa kusimudzira hupenyu hwevanorarama nehusope.

“Veruzhinji vanofanira kuziva kuti husope hausi hurwere kana hurema asi kuti rudzi rweganda chete. Kutanga kutora vanhu vanorarama nehusope sehurema kunoita kuti vapedzisire vasarudzwa nevamwe munharaunda chinova chinhu chisina kunaka kuita rusarura nekuti vakangofanana nevamwewo vasingararami nehusope,” anodaro.

Rev Chivaviro anoti zvisinei nekuti vaimbi vazhinji vari kusangana nedambudziko repairesi akatora mukana wekubuditsa dambarefu idzva kuti abatsire vanorarama nehusope.

“Dambarefu iri takaribikira sangano reAlive uye mari yose ichabuda mukutengesa kwavachaita ndeyavo. Ndinoshuvira kuti vaishandise mukutsvaga zvose zvavanoda mukuvandudza mafambisiro avanoita sangano ravo pamwe chete nekubatsira vanorarama nehusope.

Mazuva ano muhomwe dzedu vaimbi hadzina mari nenyaya yepairesi tiri kugadzirira nziyo dzedu vanhu vepairesi naizvozvo ndinoti sangano randiri mumiriri waro iri vawane cheuviri kuburukidza nekutengesa kwavo dambarefu iri,” anodaro.

Rev Chivairo anoti munguva inotevera ane tarisiro yekutsikisa kambo kanodzidzisa veruzhinji nezvevanhu vanorarama nehusope uye kupa ruzivo rwekuti vanofanira kuvagamuchira sezvo vakangofanana nevamwe vose.

Achitaurawo pachiitiko ichi, mukuru weAlive Albinism Initiative Muzvare Gwenlisa Mushonga akatenda Rev Chivaviro nekukoshesa kwavanoita vanhu vanorarama nehusope. “Ndinoda kutenda Rev Chivaviro nekutikoshesa kwavaita uku. Rudo rwavo rwakapfurikidza zvatinotarisira kubva kwavari mukubatsira kufamba zvakanaka kwesangano redu. Zvisinei, ndinobatikana nekuti vamwe vedu vari kurarama nehusope vari kufa nechirwere chegomarara reganda nenyaya yekuti havasi kubatsirwa nguva ichiripo,” anodaro.

Muzvare Mushonga anoti chishuwo chavo ndechekuti kudai Hurumende yabatsira vanorarama nehusope nenguva.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>