Varairidzi vogara vakamanikidzana

29 Dec, 2017 - 00:12 0 Views
Varairidzi vogara  vakamanikidzana Nyatsato Primary School

Kwayedza

Kingstone Mapupu
VABEREKI vane vana vanopinda chikoro paNyatsato Primary School, kudunhu raMambo Makuni, kuRushinga, vari kushushikana nekuda kwekushaikwa kwedzimba dzinogara vadzidzisi izvo zviri kukonzera kuti vagare vakamanikidzana.

Chikoro ichi chinobvira Grade 1 kusvika Grade 7 uye chakavambwa kuma1980. Sabhuku Matanda, VaJustin Nhepera (56), vanoti chikoro chavo chine vadzidzisi 21 avo vanogara vakamanikidzana mudzimba shanu chete.

“Vadzidzisi vedu tinovanzwira tsitsi, vanogara vakamanikidzana mudzimba 5 chete dziri pachikoro ichi. Fungai kuti vamwe vevadzidzisi ava vakaroorwa kana kuroora, vanoda kugara nemhuri dzavo izvo zvisingakwanisike. Zvakangofanana nekuti vanogara mumapako,” vanodaro Sabhuku Matanda. Vanoti nekuda kwechikonzero ichi, vadzidzisi vakadzidzira basa vanogara vachitiza, izvo zvakonzera kudzikira kwedzidzo yepachikoro ichi.

Sabhuku Matanda

“Kuno kwakaita kusango, kure nemataundi akaita sekuHarare uyewo taundishipi huru yeMt Darwin iri kure, kunyangwe Rushinga yacho. Hatina magetsi pachikoro apa, dzimba dzacho shoma hadzina hwaro hwakanaka, dzave kutsemuka madziro nekudaro vadzidzisi vakadzidzira basa vanotiza zvokonzera kufoira kwevana vepano,” vanodaro Sabhuku Matanda.

Dzimba dzevadzidzisi

Chikoro ichi chiri kurewo nekunobva vamwe vana izvo zvinoita kuti vamwe vafambe mitunhu inodarika makiromita 30 zvakaita sekubva kuHilla Border Post – kumuganhu weRushinga neMozambique – vamwe vachibva kuTete kunyika yeMozambique. Zvimwe zvikoro zviri munharaunda imwe chete iyi zvinovawo kure neNyatsato Primary zvinosanganisira Makuni Primary, Makuni Secondary, Maparepare Primary neMatoto Primary.

Chikoro chesekondari chimwe chete pazvikoro zvose izvi iMakuni, uko vana vanofamba mitunhu yakareba kuenda nekudzoka kuchikoro.

“Nekuda kwedambudziko iri, vana vakawanda vanosiira chikoro panzira vanozongogara muno vasina chekuita,” vanodaro Sabhuku Matanda. Kwayedza haina kukwanisa kutaura nemukuru wedzidzo kudunhu reMashonaland Central Province, VaLloyd Mudiwa, pamusoro panyaya iyi sezvo nhare yavo yaisabatika.

Share This:

Sponsored Links