Uncategorized

‘. . . vari ivowo Mai Mugabe’

24 Nov, 2017 - 00:11 0 Views

Kwayedza

Munyori weKwayedza —
MUKURU wemadzimambo nemadzishe muZimbabwe, Mambo Fortune Charumbira vanoti danho rakatorwa naCde Robert Mugabe rekusiya voga basa semutungamiri wenyika rinorumbidzwa asi ndokuti vaifanirwa kutsiudza hunhu hwemudzimai wavo, Mai Grace Mugabe hwekutukirira vanhu vakuru pajekerere.

“Zvavaita zvakanaka zvikuru uye zvinoramba vaine chiremerera,” vanodaro Mambo Charumbira.

“Zvinongorwadza hazvo kuti vazosiya nenzira iyi kana tichitarisa nhorowondo yavo. Kungoti vakatadza kudzora mudzimai wavo uyo ange ava nekatsika kekunyadzisa nekutukirira varume vakuru paruzhinji. Izvi hazviitwe patsika dzedu. “Semadzishe, tinovimba kuti mutungamiri wenyika mutsva achachengetedza hunhu netsika dzakanaka munyika zvose nekuvatungamiri vayo, izvo zvange zvarasika nekuda kwaMai Mugabe,” vanodaro Mambo Charumbira.Mai Mugabe vange vozivikanwa nekutukirira vamwe vakuru vemuZanu-PF nevashandi veHurumende vachizviti vanonzi “Mafirakureva”.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey