Uncategorized

Varidzi vemashabhini vakasungwa

21 Apr, 2017 - 00:04 0 Views

Kwayedza

Muchaneta Chimuka —
VANHU vana vekuBeatrice, avo vakazama noto nekutsvaga mari kuburikidza nekutengesa doro rakasiyana — kusanganisira kachasu pashabhini asi vasina rezinesi rekuita bhizimisi iri, vakazochechuka vamiswa mudare redzimhosva.

Mutongi wedare reChitungwiza Magistrates’ Corts, Oliver Mudzongachiso, akapa vasungwa vanoti Steve Chipazvi (36), Pardon Nengomasha, Sheila Ziwira naIrene Katabvu (22) vose vanogara kuGilston Farm, kuBeatrice — chirango chekubvisa faindi ye$80 uye kukundikana kwavo vaizonogara mujeri kwemazuva makumi maviri pamumwe nemumwe wavo.

Muchuchisi Edmond Ndambakuwa akaudza dare kuti munguva dzemanheru nomusi wa4 Kubvumbi gore rino, vana ava vakasungwa nemapurisa apo vaitengesa doro pamashabhini munzvimbo dzakasiyana.

Chipazvi akawanikwa nemapurisa achitengesa doro raisanganisira remhando yeCastle, Soldier wisky nemasikadhi.

Nengomasha aitengesa kachasu nemasikadhi, avawo Ziwira naKatabvu vaitengesa Pilsner nemasikadhi zvakare.

Vasungwa ava vakange vasina marezinesi ebhizimusi rekutengesa doro zvikaita kuti vasungwe.

Vose vakabvuma mhosva dzavo vachiti vaitengesa doro iri senzira yekutsvaga chouviri.

Share This:

Sponsored Links