Varimi vakakumba mibairo

12 Feb, 2016 - 00:02 0 Views
Varimi vakakumba mibairo

Kwayedza

VARIMI vefodya vanodarika 25 vakawaniswa mibairo nekambani yeTobacco Sales Floor neChipiri svondo rino muguta reHarare senzira yekutunzvaidzwa kugona kwavo kurima.

Mubairo mukuru weCommercial Grower of the Year wakatorwa naVaDavid Tigere (53) pamwe nemudzimai wavo Mai Jerita Tigere (50) avo vanorima kuTigere Estates, kuMhangura mudunhu reMashonaland- West.

Varimi vaviri ava vakaenda kumba netarakita uye aka hakasi kekutanga vachihwinha mubairo werudzi urwu sezvo gore rakapera vari ivo zvakare vakahwapura mubairo wekutanga uyu.

“Tinonzwa manyuku-nyuku nekuhwinha kwataita mubairo wetarakita uyu unova uchanotibatsira mukuvandudza kurima kwedu. Chirimwa chefodya tinoona chakakosha nekuti chine mubairo wemari nemusika wakagara wakangochimirira kuti inge ichitengwa saka murimi haanetseki nekufunganya kuti chirimwa ichi ndinonochitengesa kupi. Isu tinorima fodya sebhizimusi guru,” vakadaro Mai Tigere.

Vanoti fodya yakavawanisa mubairo iyi vakairima pamahekita 25 vakabura goho rine huremu hwe56 767 kgs iyo vakatengesa kukambani yeTSF.

“Dambudziko rekugaroenda kwemagetsi nekushomeka kwemvura yemadiridziro ndiro riri kuti dzorera kumashure. Kubudirira kwatakaita mukurima taishandisa nzira yemadiridziro. Kunze kwefodya, tinorima zvakare chibage chekutengesa nembeu yechibage iyo tinotsigirwa nekambani yeSeed-Co,” vakadaro.

Mai Tigere vakakurudzira mamwe madzimai kuti vange vachishinga munyaya dzekurima.

“Madzimai ngatisangomirira kuitirwa zvinhu zvose nevarume asi kuti ngatirwei semvumba mukushanda muminda yedu, tinoona tichibudirira,” vakadaro.

Murimi akatora mubairo wechipiri ndiMai Farai Mashonganyika (40) vekuShamva kuMashonaland Central avo vakarima mahekita 44 ndokubura 38 301 kgs dzefodya iyo vakatengesa kuTSF.

Mai Mashonganyika, avo vaive vaperekedzwa nemurume wavo – VaTendai Chinyani – vakapembera nemufaro apo vakatambidzwa mubairo wekugona kurima waisanganisira pombi yekufiritisa zvirimwa nejenareta.

“Isu takatanga kurima fodya mugore ra2008 saka tinofara kuti uyu ndiwo mubairo wedu wekutanga zvichatikurudzira kuti tirambe tichienderera mberi nekurima. Dambudziko rekushaikwa kwerutsigiro rwemari zvikuru kumabhanga apo vanoda nyaya dzezvibatiso ndiro riri kutidzorera kumashure. Kurima kunoda zvekushandisa zvakadai sembeu, feteresa, kubhadhara vashandi, zvikwereti nezvimwe,” vakadaro Mai Mashonganyika.

Zvakadai, sachigaro weTobacco Industry and Marketing Board, Mai Monica Chinamasa, vakati vemabanga vanofanira kutsigira varimi zvakasimba kuti vabudire kuburikidza nekubvisa zvimwe zvigozhero zvadai sezvibatiso zvinoita kuti vange vachikundikana kutora zvikwereti.

Share This:

Sponsored Links