‘Varimi vandudzai mashandiro’

06 May, 2016 - 00:05 0 Views
‘Varimi vandudzai mashandiro’

Kwayedza

SANGANO reZimbabwe Agricultural Society (ZAS) rinoti nyika ino inokwanisa kudzokera pachinzvimbo chayo chakare chekuve hurudza ndokunge mapoka ose achishanda pamwe chete mukutsigira varimi.

Chamangwiza weZAS, Dr Anxious Masuka, vakataura mashoko aya nguva yadarika kwaMutasa, kwaMutare, pagungano rekupihwa kwemubairo kumurimi akatora chidanho chechitatu mumakwikwi eHarare Agricultural Show (HAS) egore rapera.

Murimi uyu, VaJohn Chimboza, vakapihwa mubairo wemudhudhudhu kubva kuZAS, pombi yekudiridzisa nekambani yeMoney Maker pamwe chete nembeu yechibage yakabva kuSeed Co.

“Varimi vemuZimbabwe vanofanira kuziva kuti ivhu ratinaro munyika rakanaka zvekuti vanokwanisa kurima kudarika zviri kuitika pari zvino. Izvi zvinogoneka chete kana varimi vakaziva nguva yekurima, marimiro nezvirimwa zvekuisa panzvimbo yavanenge vachirimira pamwe nekutsigirwa zvizere nemapoka ose.

“Varimi vanofanirawo kuziva kwekutengesera zvavanokohwa nekuzvichengetedza. Nekuda kwekunetsa kuri kuita mvura yekunaya nemwaka yegore iyo yave kungosanduka, varimi vanofanira kuziva kuchengetedza mvura shoma inenge yanaya iyoyo. Izvi vanofanira kuzviita kuburukidza nekuchera matsime nemadhamu madiki anochengeta mvura,” vanodaro Dr Masuka.

Mashoko avo akatsinhirwa naagronomy and extension services manager kukambani yeSeed Co, VaIvan Craig, vachiti vari kubatana neZAS mukuvandudza nekudzidzisa varimi marimiro ane pundutso munyika.

“Takaronga pamwe chete neZAS kuti murimi wose anenge ahwinha paHAS anofanira kushanyirwa pamba pake nekambani yedu, ZAS nemamwewo masangano ari mune zvekurima. Izvi takaona kuti zvinokurudzira vamwe varimi kuti varime mbeu dzemhando yepamusoro nekuve neshuviro yekupinda mumakwikwi eHAS.

“Patinoshanyira murimi ndipo paanobva apihwa mibairo wake vemunharaunda vachiona. Ichi chitsvambe chatinenge tichipawo kune vamwe varimi kuti vaone kuti makwikwi eHAS ndeechokwadi, haasi ekunyepera uye munhu anopihwa zvaanenge avimbiswa pasina chitsotsi,” vanodaro VaCraig.

Vanotiwo varimi vanofanira kutsvaga nzira dzekurima dzinoenderana nekusanduka kuri kuita mwaka nemamiriro ekunze.

Share This:

Sponsored Links