Varimi vefodya vobatsirwa

06 Jul, 2014 - 05:07 0 Views
Varimi vefodya vobatsirwa CHIDO Nyakudya

Kwayedza

CHIDO Nyakudya

CHIDO Nyakudya

KAMBANI inotenga fodya munyika yeBoka Tobacco Auction Floors (BTF) yosimbaradza chirongwa chayo chekubatsira varimi nezvekurimisa zvinosanganisira fetereza nemishonga apo vakatarisana negadziriro yemwaka uri kutevera.
BTF yakatanga kubatsira varimi vefodya nezvekurimisa mumwaka wegore rakapera. Mushandi wekambani iyi anoona nezvekutengeserana nekusimudzirwa kwebhizimisi, Mai Chido Nyakudya, vanoti vane varimi vavakanyorerana navo pasi kare kuti vachavapa zvekurimisa zvose.

“Izvozvi mukatarisa fodya yechikamu chinoita 70 percent iri kutengwa nemacontractors zvinoreva kuti mimwe misika yose inosara iine 30 percent chete yevarimi avo vanogovana saka isu veBoka tapindawo munhanga yekubatsira varimi nezvekurimisa,” vakadaro Mai Nyakudya.

Vanoti mwaka wapera vakabatsira varimi nezvekurimisa muminda yakatandavara mahekita 250 apo vakarima fodya yakasvika matani 500 ayo ose akaunzwa kukambani iyi akatengwa.

“Zvakadai, mumwaka wa2014 kusvika 2015 tiri kubatsira varimi kurima minda yakatandavara mahekita 500 uye tinotarisira kuwana fodya inodarika matani 1 000 kubva kuvarimi ava,” vakadaro Mai Nyakudya.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey