Varimi vefodya vogunun’una

31 Jul, 2015 - 00:07 0 Views
Varimi vefodya vogunun’una

Kwayedza

Kingstone Mapupu
VARIMI vefodya vari kutsutsumwa zvikuru nekuchimbidza kuvharwa kwakaitwa mwaka wekutengesa chirimwa ichi kumisika vachiti kuita kwakadai kuri kuvamanikidzira kutengesa fodya yavo nguva yacho isati yasvika. Mwaka wekutengesa fodya gore rino wakavharwa musi 15 Chikunguru uye varimi vakawanda vakataurwa navo vanoti chishuwo chavo chekuti vatengese chirimwa ichi kwemazuva akawanda.
VaMurimbiki Chagwededza (46) vekwaMutoko, avo vakawanikwa vachitengesa fodya yavo kuBoka Tobacco Floors, vanoti vakaunza fodya yavo pazuva rekupedzisira zvinoreva kuti vakange voita zvechimbi-chimbi.

“Chikumbiro chedu sevarimi kuti mwaka wekutengeswa kwefodya uyu uendeswe mberi kusvika mumwedzi waNyamavhuvhu mukupera kwawo sezvaimboitwa kare,” vakadaro.

Vanoti mwaka wekutengeswa kwefodya wakanonoka zvakare kutanga.
“Izvozvi tine vamwe varimi, kusanganisira ini, vasina kukwanisa kuunza fodya yavo avo vachazouya nayo pazuva rekutengesa inenge yakasara unova mumwedzi waNyamavhuvhu pa’Mop up sale,’” vakadaro.

Mashoko avo akatsinhirwa naVaTedious Chirariro (50) vekuHurungwe avo vakawanikwa vachitengesa fodya yavo kuTobacco Sales Floor.
“Isu sevarimi tinoti nguva yatinopihwa yekutengesa fodya ishoma nekudaro nguva yekuvharwa kwemwaka uyu ngaipfuudzirwe mberi kusvika muna Nyamavhuvhu chaimo,” vakadaro.

Varimi ava vanoti vanoda kuwana nguva yekusarudza fodya yavo nekuzoigadzira mumabhero vasati vaiendesa kumisika.
Zvakadaro, fodya yakatengeswa kumisika yose kusvika neChishanu svondo rapera yaive makgs 192 miriyoni anokosha US$566 miriyoni.

Panguva imwe chete iyi gore rakapera, fodya yaiva yatengeswa yaiva nehuremu hwaisvika makgs 208 179 494 iyo yaikosha US$661 004 218.
Mari yaitengwa nayo fodya mwaka uno yaibvira paUS$0,10c kusvika US$4,99 kumisika yeruzhinji, ukuwo kumakambani anobatsira varimi vefodya yaisvikawo paUS$6,25.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>