Varimi vefodya vowanda

08 Dec, 2017 - 00:12 0 Views

Kwayedza

Kingstone Mapupu —
KAMBANI yeTobacco Industry and Marketing Board (TIMB) inoti varimi vakawanda vari kunyoresa kurima fodya zvichitevera kuwedzerwa kwemari yavanobhadharwa yekutendwa yeexport incentive nebhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe (RBZ) kubva pachikamu che5 percent kuenda pa12 percent.

Mutauriri weTIMB, VaIsheunesu Moyo, vanoti vanotambira nemufaro mukuru kuwedzerwa kwemari iyi izvo zviri kukwezva vakawanda kuti varime fodya.

Vanoti kuti murimi azokwanisa kupihwa mari iyi panopera mwaka wekutengeswa kwefodya woga woga, anofanirwa kunyoresa neTIMB opihwa nhamba yekurima inonzi growers number uyewo ovhura bhuku kubhengi uko mari yake inopota ichiiswa paanotengesa fodya.

“Tinotarisira kuti mwaka uno kucharimwa minda yakawedzerwa yefodya kudarika wakadarika zvichitevera kukwidzwa kwemari dzichapihwa varimi idzi.

“Mukupera kwemwedzi waMbudzi gore rino, varimi vange vanyoresa kurima fodya vakanga vadarika 100 000 kana zvichienzaniswa ne56 450 vakanyoresa panguva imwe chete gore rakapera,” vanodaro.

Mumwaka wadarika wose, varimi vakanyoresa kurima fodya vaisvika 91 693.

VaMoyo vanoti varimi vatsva vari kuramba vachimhanyidzana kuenda kumahofisi avo eTIMB vachinonyoresa kurima fodya.

“Mumwaka wa2016 kusvika 2017, fodya inokwana makgs 190 miriyoni yakatengeswa kumisika yakasiyana yemunyika ino uyewo yakatengeswa kunze kwenyika ikasvikawo makgs 87,5 miriyoni,” vanodaro.

VaMoyo vanoti fodya yeZimbabwe zhinji yacho inotengeswa kunyika dzinosanganisira China, South Africa, Belgium, United Arab Emirates, Indonesia, Sudan neRussia.

Zvakadai, sangano reZimbabwe Farmers Union (ZFU) riri kurumbidzawo danho rakatorwa neRBZ rekuwedzera mari inopihwa varimi vefodya yekuvatenda yeexport incentive.

“Mashoko atinowana isu sesangano revarimi anoti varimi vefodya vachiri kuramba vachienda kunonyoresa kuTIMB zvinoreva kuti vachawanda zvikuru,” vanodaro VaPaul Zakariya vanove executive director weZFU.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey