Varimi vochema nezvipfukuto

02 Jul, 2015 - 19:07 0 Views
Varimi vochema nezvipfukuto

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
VARIMI vekuHwedza kudunhu reMashonaland East nevamwe vari kumativi mana enyika vari kushungurudzwa nezvipfukuto izvo zviri kuita kuti goho ravo ringe richiderera zvikuru kana zvichienzaniswa nemakore adarika. Ongororo yakaitwa nevadzidzi vekuUniversity of Zimbabwe kuchikamu chinoona nezveivhu, sainzi nekuvandudzwa kwekurima (Dept of Soil Science and Agricultural Engineering) munzvimbo iyi inotaridza kuti varimi vachiri kumashure maringe neruzivo rwechizvino-zvino rwekuchengetedza goho.

Ongororo iyi yakaitwa pachishandiswa goho rechibage remwaka wa2013/14 munzvimbo mbiri dzinoti Makwarimba neGoneso.
Zvakaonekwa kuti dzimwe nzira dzakadai sekushandisa mapiritsi, hunde, dota, mashizha emupani, mishonga yekufirita chibage nehermetic bags mukuchengetedza goho dzakange dzichikurirwa nechipfukuto chemhando yeLarge Grain Borer (LGB) nezvimwe.

Mimwe yemishonga iri kushandiswa zvakare yakaonekwa kuti inokanganisa utano hwevanhu pamwe nenharaunda zvichibatsira mukusanduka kwemamiriro ekunze.

Vaive vanoremekedzwa pachiitiko ichi, Cde David Musabayana avo vanove mumiriri weHwedza North mudare reNational Assembly, vakati panofanirwa kutsvagwa nzira itsva dzekurwisana nezvipfukuto izvo zviri kuparadza goho.

“Tinoda kuti tigone kurwisa chipfukuto chanetsa muno muHwedza. Chipfukuto chave kushaisa vanhu rugare chine udyi hunosiya vanhu vaine nzara. Chipfukuto cheLGB chiri kudya kunyangwe magonhi emba nemasaga chichisiya chibage chave hupfu kunge chakagaiwa nokudaro murimi ari kurasikirwa. Chipfukuto chiri kudzorera zvirongwa zveZimAsset kumashure nekuti ZimAsset inotaura nyaya yegutsa ruzhinji uye utano,” vakadaro.

Professor Brighton Mvumi avo vari kuchikamu chinoona nezveivhu nekusimbaradzwa kwekurima kuUZ vanoti varimi vechidiki vanoda kusimudzirwa kuburikidza nekuwaniswa ruzivo rutsva runobva mutsvakurudzo dziri kuitwa nenyanzvi kuti vange vachibura goho rinovafadza.
“Nyika iri kusangana nedambudziko rekusanduka kwemamiriro ekunze uko kunosanganisira kupisa kwakanyanya nekutonhora kunopa mikana yeraramo kune dzimwe nhando dzezvipfukuto kuti zvinge zvichiwedzera. Zvimwe zvipfukuto hazvichafi kunyangwe zvikafiritwa nemishonga iyo yataimboshandisa makare nekuti zvave kuita zvichijairirana nemishonga iyoyo,” vakadaro.

Mutevedzeri waDistrict Administrator wedunhu reHwedza, VaMayambo Hamutyineyi, vakakurudzira varimi kuti vashande pamwe chete vatungamiriri vematunhu vakaita semadzishe nemasadunhu mukusimbaradza zvirongwa zvekurima. VaGondai Matare (38) vanove murimisi wenzvimbo iyi vakakurudzirawo varimi kuti vange vachishandisa matura esimbi mukurwisa zvipfukuto.

“Paongororo yakaitwa takaona kuti matura esimbi ndiwo akave pamberi mukurwisa zvipfukuto kana tichienzanisa nenzimwe nzira sere dzakashandiswa mutsvakurudzo,” vakadaro VaMatare.

Mabhindauko ekusimudzira varimi aya ari kutsigirwa nemasangano anoti Food and Agriculture Organisation, Farm and City pamwe neNico Orgo.

Share This:

Sponsored Links