Varoora vorwira musha watezvara

29 Apr, 2016 - 00:04 0 Views

Kwayedza

Yvonne Chidochashe Manyanja
VAKADZINYINA vakaendesana kumatare edzimhosva zvichitevera kunetsana kwavari kuita nenyaya yekusagarisana zvakanaka pamba patezvara vavo apo mumwe nemumwe wavo ari kuda kutonga.

Esnart Mumeri akapotera kuHarare Civil Court achida kudzivirirwa kubva kuna Nancy Makwiyahundi, uyo anova mukadzi wababamukuru vake waanoti anomushaisa mufaro nekumutuka nekumuvimbisa rufu.

“Changamire, maiguru vakazosvika pamba patezvara vedu panove patinogara vachida kutonga ivo vakandiwana ndiripo. Vakauya vakasvikobvisa zvinhu zvangu muimba yandakagadzirisa pamusha apa vakatanga kugaramo ini ndikabva ndabuda kunogara mune imwe imba.

“Amaiguru vanonditi ndichafa uye vondiudza zvinotarisirwa kuitwa nemuroora vachindirambidza kutsvaira pamusha. Vanonditi muroora haatarisirwe kutsvaira pamba pavatezvara izvo zvakandikatyamadza zvikuru. “Pamusoro peizvi, amaiguru vanondishoropodza vachinditi mukadzi akange ambosimba akaonda zvinoreva kuti anorwara nemukondombera. Vakandidzimira magetsi vachiti ndinofanira kugara murima. Vakanditi handifanire kuvabvunza mari yemvura asi kuti kanzuru ndiyo inofanira kuvabvunza. Izvi zvinoita kuti tigare tiri muzvikwereti. Saka ndinokumbira gwaro redziviriro,” akadaro Mumeri.

Achipawo divi rake, Makwiyahundi akati haapokane nechikumbiro chaamainini vake asi akaramba zvakange zvataurwa pamusoro pake.

“Chikumbiro chavo ngavapihwe changamire. Asi kungoti kunetsana kwedu ndekwekuti amainini havasi kuda kuona ndichigara pamba apa. Vakatombonditumira mumwe mukadzi akandiudza kuti ndinoba chibage saka ndaisafanirwa kugara pamba apa. Kana iri nyaya yemagetsi avari kutaura varume vedu ndivo vakagara pasi vakati magetsi aifanirwa kudzimwa. Vakataura zvakare kuti pamusha apa hapatongwi nevakadzi zvavanonyatsoziva amainini ava.

“Kubva kuuya kwandakaita pamusha apa, handisati ndambonzwa amainini vachinditi mangwanani kana masikati nekudaro chakazoita kuti ndivapopotere ndakange ndavaona vakagara kumusoro kwemwana wangu akange akarara. Ndakapopota zvechokwadi nekuti handina kunzwisisa kuti munhu asingatauri neni akanga achitsvagei kumwana wangu.

“Pedzezvo ndakavanzwa vachitaura neshamwari yavo vachiti munhu ngaafe. Ndipo pandakavapindura kuti munhu agara anofa saka kana neni ndatotambudzwa naamai vamuri kuona ava,” akadaro.

Mutongi Gamuchirai Siwardi akapa gwaro redziviriro kuna Mumeri akati vaviri ava vanofanirwa kugarisana zvakanaka.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey