Uncategorized

Varoyi vekurwira nyama: N’anga dzapindira

30 Sep, 2016 - 00:09 0 Views
Varoyi vekurwira nyama: N’anga dzapindira

Kwayedza

NYAYA yakabuda muKwayedza svondo rapera, yechembere yekuZhombe, kuMidlands, iyo iri kureurura kuti iyo inhengo yechikwata chevaroyi uye kuti yakazotyorwa gumbo apo vairwira nyama yemwana nechimwewo chikwata chevaroyi, yakora muto.

Nemusi weChipiri svondo rino, sangano revanoita zvechivanhu, reZinatha, rakatumira chikwata “cheshasha” dzen’anga kuZhombe kuti dzinobatsira Mbuya Diana Chibhago Manjengwa (87), avo vakaudza vatori venhau svondo rapera kuti havachada zvekuroya nechikonzero chekuti chikwata chavo chava kuda kuti vadyezve mwanasikana wavo anovachengeta pamusoro pevamwe vana vavo vana vavakambouraya vachidya nyama.

Nyaya iri yatova kumatare asabhuku nera Mambo Gwesela uye chembere iyi iri kudoma vamwe vainoshanda navo mukuroya ichiti, pamwe chete, vadya nyama yevanhu vanodarika 20.

Magodobori eZinatha akazozvipira “kunopedzerana” nevaroyi ava vobva vabatsira Mbuya Manjengwa nevamwe vavo.

Mbuya Manjengwa vanogara nemwanasikana wavo, Kurai Manjengwa, uyo wavanoti ndiye ange ava pachijanha chekuti afe apo akazotanga kurwara mushure mekunge vamuroya.

Kurai Manjengwa

Kurai Manjengwa

Mbuya Manjengwa vanotizve ndivo vakauraya vamwe vevana vavo nyama yacho vakadya nechikwata chavo.

Mukuru weZinatha, VaGeorge Kandiyero, vanoti mushure mekuona nyaya iyi muKwayedza, vakabva vatumira shangwiti dzen’anga kuZhombe.

VaGeorge Kandiyero

VaGeorge Kandiyero

“Tatumira nyanzvi dzedu, machiremba echivanhu, kuZhombe. Muchanonzwa zvidhoma zvichichema nekutizira mumakomo ikoko. Nyanga dzichamhanya dzichirutsa ropa, ndinovatemba vanhu vaenda ava, vanoshandiswa nevadzimu,” vanodaro VaKandiyero.

Vanoti uyu mukana wevagari vose vedunhu reZhombe wekuti vabatsirwe mune zvavanoda nen’anga idzi.

“Ndinofunga kuti nzvimbo iyi ichasara yanaka. Tatumira magodobori anosanganisira Sekuru Katerere, Mbuya Magorimbo, Sekuru Sithole, Mbuya Shumba nevamwe,” vanodaro VaKandiyero.

Vanoti n’anga idzi dzichabatsira vanhu vanoda, dzichitevedza mitemo yenyika nezvinodiwa pakurapwa kwevanhu pachivanhu.

 

Share This:

Sponsored Links