Uncategorized

Varoyi vodhakwa nemuteyo . . .

21 Aug, 2014 - 08:08 0 Views
Varoyi vodhakwa  nemuteyo . . .

Kwayedza

21082014KWA-MAI-HAR-02KWANYAMWEDA, kuMhondoro kunonzi kune imwe chembere yakadhakiswa nemuteyo weimwe n’anga iri kufambako ichipumha vanhu huroyi ndokureurura kuti mweya wainopfumbura kana kuburitsa unoita kuti vanhu vose vemubhuku rainogara vakotsire kunge vakafa, votozopepuka bedzi kana mbuya iyi yapedza navo.

Kunze kwechembere iyi, kunonzi kune vamwewo vanhu vari kuita zvekuimba kutaura mabasa avo erima, zvisinei nekuti zviri kuitwa naTsikamutanda uyu hazvikurudzirwe.

Vari kureurura ava vanonzi vanozviita pasina kuvhundutsirwa nen’anga inonzi Sekuru Musa Juma Garwe Gonamuroyi, iyo iri kushandira musango riri kumapurazi ekwaSongore, kuMarirangwe.

Kwayedza, iyo isingatsigire mabasa avanaTsikamutanda, yakaenda uku mushure mekunzwa kuti vanhu vaoneswa “chamutengure” nen’anga iyi.

Vakareurura vanosanganisira chembere mbiri dzemubhuku raShirichena. Imwe yechembere idzi (zita tinaro) yakachema pamberi pevatori venhau ichiti pane mumwe mudzimai, muvakidzani wayo, aiuya pamba payo asina kupfeka achivadzidzisa kuroya apo vaizofushira mushonga nemagadziko vari musvo, vachiita zvenhendeshure.

Pavanhu vakareurura, kune imwe chembere inonzi yakataura kuti inopfumbura kana kuburitsa mweya, vanhu vose vemumusha vobva vakotsira, vozomuka bedzi kana iyo yapedza kupinda mudzimba dzeavo vainenge ichiroya.

Chembere imwe chete iyi yakadura kuti kana varoyi vaenda kumakuva, iyo inovhura guva nekuriitira weti, umo mavanotora nyama yevanhu pamadiro.

Vamwewo ambuya vanonzi vakati vane bere ravanoshandisa, iro vaida kuti riuraiwe nen’anga iyi.

Sabhuku Shirichena, VaWilson Shirichena (67), vakatsinhira nyaya idzi.

“Mumusha mangu mune chembere dzakadura zvinhu zvinotyisa. Ini pachangu ndakanga ndisisina basa mumba, ndichishandiswa usiku nevakadzi vemuno. Ndakasvitsa makore matatu ndakadaro, aizviita akabvuma pamberi peruzhinji.

“Madzimai ane chitsama vakadura kuti vane mishonga yekushereketa nevarume usiku takarara, tofuma takarukutika. Vakomana vose vamunoona vasingaroore ava vapedzwa navo nechembere idzi.

“Ini ndakagadzirwa nen’anga iyi aindishandisa akadura,” vakadaro sabhuku ava. Vanoti pane vamwe ambuya vakati vanogara nebere, iro vanoda kuti riuraiwe.

“Zvimwe zvacho hazvitaurike, imwe chembere inoti kana yave kuda zvayo kunoroya, inongoita mweya yakatarisa kumabvirazuva. Ipapo musha wese unobva wakotsira, kuita ngonono munhu wese, zvekuti vamwe vanotoitira weti mumagumbeze vakotsira vozosvinura kana chembere iyi yapedza navo,” vakadaro Sabhuku Shirichena.

Kumapurazi ekuMarirangwe, vakadaro Sabhuku Shirichena, kunonzi kune mumwe musha kwakaonekwa kachidhoma kapfupi kaiva nendebvu kari muimba yekurara.

Imwe chembere (zita tinaro) yakaudza Kwayedza kuti inofambwa nayo nemumwe muvakidzani wayo vachida kudzidziswa kuroya.

“Muvakidzani wangu (zita tinaro) aiuya pamba pangu usiku osvikopfekenura mbatya pavharanda pangu, otungamira nekukarwizi kuna Svisva kumadokero akabata mishonga. Aisvikonditi, ‘bvisai mbatya dzose’ ndichiitawo zvose.

“Ndaichera makomba tobva tafushira mishonga iyi nemagaro tisina kupfeka takapira makotsi kumakomba atinenge tichifushira. Tapedza, taibva tadzoka kumba, handaikwanisa kubvunza kuti mishonga iyi yaiva yei sezvo ndaisabvumidzwa kana kudavira zvaitaurwa,” vakadaro mbuya ava.

Vanoti vaiva nevana gumi asi vakazofirwa mukati memakore maviri zvekusara nevatatu bedzi.

N’anga iyi inonzi kana vehukama vachida kuti wavanofungira aende kwairi, vanongoenda pamusha pake vonotora huswa hwepamba nekunokora ivhu zvoendeswa kunogadzirwa nemishonga. Munhu anenge achifungirwa uyu anobva aenda oga kunozvipira kuna Tsikamutanda uyu.

Vamwewo vanhu vakataura pamusoro pen’anga iyi.

VaNicholas Zharare (76), vekwaMbwerere, vakati vakabatsirwa naTsikamutanda Gonamuroyi.

“Ndine mwana akapondwa kuKadoma nguva pfupi yakadarika, ndikauya pano uye ndava kuziva vakaita,” vakadaro.
VaInnocent Nyamushamba (53), avo vakataura vari pan’anga iyi vakati: “Ini handina chandinoona chakaipa, tabatsirikana isu. Tanga takwata nevaroyi.”

Mai Rosemary Kudyarawanza Marimo (50) vanoti ivo nevanasikana vavo vaiitwa vakadzi nechikwambo uyewo kuminda kwavo vachitorerwa zvirimwa nemishonga.

Mai Save Fisher (48) vakatsigirawo vachiti: “Hatina zvekutaura, chiremba uyu ari kutibatsira. Muroora wangu taifunga kuti aka‘stroka’ nyambisirwa aiva akarohwa nezvidhoma. Izvozvi ava right.”

 

Share This:

Sponsored Links