Varume checheudzwai: Mambo Chikwaka

27 Feb, 2015 - 00:02 0 Views
Varume checheudzwai: Mambo Chikwaka MAMBO Chikwaka

Kwayedza

MAMBO Chikwaka

MAMBO Chikwaka

Malven Mugadzikwa
VATUNGAMIRIRI vanokurudzirwa kuti vave pamberi mukusimudzira chirongwa chekuchecheudzwa kwevanhurume nedonzvo rekudzivirira kutapurirana kwezvirwere zvepabonde pamwe neutachiona hweHIV. Kurudziro iyi yakaitwa nguva pfupi yadarika naMambo Chikwaka, VaMurambiwa Witness Bungu, kuMarondera apo bazi rezveutano nekurerwa kwevana raiparura chirongwa chekuvandudzwa kweVoluntary Medical Male Circumcision (National lLunch of the Accelerated Voluntary Medical Male Circumcision Operational Plan 2014-2018).

“Isu semadzishe donzvo redu ndere kuona kuti tachengetedza utano nemararamiro akanaka evanhu munharaunda dzatinotungamirira. Naizvozvo ini ndakamirira madzishe ndauya kuzotsigira chirongwa chekukurudzira kuchecheudzwa kwevanhurume sezvo zvichideredza kutapurirana kwedenda reHIV nemukana wakati kurei.

“Semadzishe, tinobatana neHurumende kukurudzira zvirongwa zvakadai sezvo zvichichengetedza utano munyika. Chirongwa ichi chakanaka nekuti chinounza shanduko munharaunda dzatigere,” vakadaro.

“Kuchecheudzwa itsika yagara ichiitwa muno munyika nemamwe marudzi asi tava kutokurudzira kuti isava tsika yemarudzi chete asi chive chinhu chinoitwa nenyika yose sezvo tichinzwa kuti zvakanakira kuti zvinoderedza zvirwere zvepabonde, kugara munhu akashambidzika pamwe chete nekudzivirira gomarara kumadzimai.”

Mambo Chikwaka vakavimbisa kuti vachachecheudzwa munguva pfupi iri kutevera senzira yekuratidza kuti chirongwa ichi chakakosha uye chinofanira kuitwa nemunhu wose, kusanganisira vatungamiriri.

Vachitsigira mashoko aMambo Chikwaka, gurukota rezveutano nekurerwa kwakanaka kwevana, Dr David Parirenyatwa, vakakurudzirawo vanhurume vanenge vachecheudzwa kuti vazvibate.

“Kuchecheudzwa itsika yakanaka chaizvo uye pane mukana wakakura wekuti munhu anogona kusabatira utachiona hweHIV kana akaenda pabonde.

“Asi yambiro yangu huru kune veruzhinji ndeyekuti musimboti mukuru wekudzivirira chirwere ichi kuzvibata. Ngaisava nzira yekuti varume vafarise vachiita zvepabonde vachiti havachabatira utachiona hweHIV.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey