Varwere vepfungwa vawanda – Dr Pari

28 Apr, 2017 - 00:04 0 Views
Varwere vepfungwa  vawanda – Dr Pari

Kwayedza

Muchaneta Chimuka —
GURUKOTA rezveutano nekurerwa kwevana, Dr David Prirenyatwa, vanoti vanoshushikana zvikuru nekuwanda kwenyaya dzevanhu vari kurwara nenjere munyika muno.

Izvi zvinotevera huwandu hwenyaya dziri kusvika kuzvipatara zvinoona nezvevarwere vepfungwa zvinosanganisira chikamu chePsychiatric Unit chiri kuHarare Central Hospital.

Vachitaura pazuva reWorld Health Day vari kuHarare Central Hospital, Dr Parirenyatwa vanoti Hurumende ine hurongwa hwekuti matunhu ose enyika ave nezvipatara zvevarwere vepfungwa.

“Tinoda kuti nyaya dzose dzine chekuita nekurasika kwenjere dzitariswe nekukasika. Huwandu hwevanhu vari kurwara nepfungwa huri kuramba huchiwedzera zvakanyanya, sezvo hwakabva pa115 kuenda pa600 mugore ra2016 paHarare Central Hospital bedzi.

“Pagore, muzvipatara taisibatsira vanhu 5 000 munyika yose vanorwara nepfungwa asi iko zvino huwandu hwacho hwawedzera, tave kubatsira vanhu 8 000. Tinofanira kuona kuti zvipatara zvevarwere vepfungwa zvawanda munyika kuitira kuti zvirwere izvi zvirapwe zvisati zvadzama,” vanodaro.

Vanoti mhuri dzine vanhu vanorwara nepfungwa dzinofanira kuwaniswa rutsigiro rwakasimba senzira yekupedza rusarura.

“Kune zvinhu zvakawanda zvinoita kuti vanhu vagumisire vave kurwara nepfungwa sekushungurudzika mushure mekurwara kana kurwarirwa, kuoma kweupfumi hwenyika, HIV, zvirwere zveshuga, BP, kukwegura nezvimwe zvakawanda,” vanodaro.

Dr Parirenyatwa vanoti senzira yekuderedza huwandu hwenyaya dzevarwere vepfungwa, vanhu vanofanira kutaura zvinhu zvinenge zviri kuvanetsa kune vavanovimba navo.

“Ngatiregedzei kuita mashoko ezvituko kana kuseka vanhu vanorwara nepfungwa nekuti zvakaipa uye zvichimutsa mweya werusarura,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti: “Chikamu che80% chevarwere vepfungwa vari kudzimba apo che20% bedzi ndivo vari kuwaniswa rubatsiro muzvipatara. Vazhinji vavo vanogumisira vave kuzvisungirira kana kuzviuraya nedzimwe nzira nekuda kwemabatirwo avanoitwa mudzimba apo vanogara vakatenherwa pavo vega.”

Zuva reWorld Health Day rinocherechedzwa nomusi wa7 Kubvumbi gore negore uye dingindira regore rino rinoti, “Kushungurudzika: Ngatitaurei”.

Zvakadai, sangano reMedecins Sans Frontières (MSF) rakatsigira mukuvakwa kwemumwe mupande unorapirwa varwere vepfungwa pachipatara cheHarare Central Hospital uyo unova wakavhurwa zviri pamutemo naDr Parirenyatwa zuva iri.

Muzvare Abi Kebra Belaye, avo vanova Head of Mission wesangano reMSF, vanoti vakatsvaga rubatsiro kuvatsigiri vakasiyana nedonzvo rekuyamura varwere vepfungwa.

Sangano reWorld Health Organisation rinoti nyaya dzevarwere vepfungwa dzakawedzera pasi rose nechikamu che18% pakati pemakore a2005 kusvika 2015.

WHO inoti izvi zviri kukonzerwa nekushaya rutsigiro kuvarwere zvichitevera nyaya dzerusarura urwo rwunoita kuti vazhinji vakundikane kurapwa nenguva.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey