Vasikana 115 vakapa ropa kunbsz

19 Aug, 2016 - 00:08 0 Views
Vasikana 115 vakapa ropa kunbsz Pamela Zambe achipa ropa paLadies Gala nomusi weMungovera wadarika. — Mufananidzo: Muchaneta Chimuka

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
CHIKWATA chevasikana vanosvika 115 vari muboka rePledge 25 chakapa ropa kusangano reNational Blood Service Zimbabwe (NBSZ) nemusi weMugovera wadarika. Ripa rinopihwa kusangano iri rinobatsira varwere vanosanganisira vanowirwa nenjodzi dzemumigwagwa nemadzimai panguva yekusununguka. Muhurukuro neKwayedza, VaTichaona Saira, avo vanove mukuru anoona nezvekurongwa uye kusarudzwa kwevapi veropa kusangano reNBSZ, vanoti vaitarisira vasikana vanosvika 150 kuti vape ropa pazuva iri. “Boka rePledge 25 Club Zimbabwe rinowanikwa mumazoni 39 munyika uye nhengo dzaro dzinotarisirwa kupa mayunitsi 25 eropa kune avo vasati vadarika makore 30 ekuberekwa. Saka paLadies Gala iyi tange tichitarisira kuwana vasikana 150 vanopa ropa asi tinofara zvikuru ne115 vakwanisa kuuya kuzopa ropa nekuti vari kubatsira upenyu hweruzhinji,” vanodaro VaSaira.

Vanoti vane karenda yekupa ropa kunoitwa nevechidiki ava apo vasikana vanotarirwa kupa katatu pagore vakomana vachipa kana panguva imwe cheteyo.

“Tine karenda rinoratidza mwedzi yekupa ropa senzira yekukurudzira vechidiki kuti varambe vachipa ropa. Vasikana vanopa mumwedzi waKubvumbi, Nyamavhuvhu naZvita avawo vakomana vachipa mumwedzi waKurume, Chikumi, Gunyana naKubvumbi apo vanenge vakasangana nevasikana,” vanodaro.

Sangano reWorld Health Organisation (WHO) rine tarisiro yekuti mugore ra2020 munyika dzose vanhu vange vachibatsirikana neropa rinenge risingabvisirwe muripo.

“Sangano reNBSZ rinowana chikamu che100% cheropa kubva kuvatsigiri zvichiitwa pachena asi vaine donzvo rekuchengetedza upenyu hweveruzhinji. Vanhu vakakodzera kupa ropa ndevane makore 16 kusvika 21 ekuberekwa, vaine huremu hwe50 kgs zvichienda mberi uye kuti munhu ape ropa kanokwana kaviri, anofanira kunge ari nhengo yePledge 25. Madzimai anoyamwisa haakurudzirwi kupa ropa,” vanodaro.

Pamela Zambe (21), anove nhengo yePledge 25, anoti kave kechi11 achipa ropa. “Ndakatanga kupa ropa ndiine makore 16 ekuberekwa, iko zvino kave kechi11 ndichipa ropa. Ndine shungu nechido chekuchengetedza upenyu.

“Pakutanga ndaizviitira dambe apo zvaiitwa muzvikoro nekuti ndaida kupihwa chinwiwa cheMazowe nechingwa. Asi nekukura, ndakazoona kuti ndiri kuchengetedza upenyu hwevamwe vanorasikirwa neropa mungava mutsaona, pakusununguka nezvimwe,” anodaro Zambe.

Zambe anoti akazvipira kupa ropa kweupenyu hwake hwose. “Ndicharamba ndichipa ropa kusvikira ndafa nekuti moyo wangu wakazvipira kuita izvi,” anodaro. Vakomana vari muchikwata chimwe chete ichi vari kutarisirwa kuitawo gungano ravo rekupa ropa nomusi wa30 Gunyana.

Share This:

Sponsored Links