Vasikana vakakunda vakomana paA-Level

20 Jan, 2017 - 00:01 0 Views

Kwayedza

ZVAKANYORWA nevana pabvunzo dzeA-Level dzeZimbabwe School Examinations Council (Zimsec) gore rapera zvakabuda uye vadzidzi vakatotanga kutora magwaro ezvavakawana kutanga nemusi weMuvhuro svondo rino.

Gurukota rezvedzidzo yepuraimari nesekondari, Dr Lazarus Dokora, vakazivisa nezvenyaya iyi pamusangano wekupemberera zvakabuda mubvunzo idzi uyo wakaitirwa kuUniversity of Zimbabwe muHarare svondo rino.

“Vadzidzi vakanyora bvunzo dzeA-Level vanofanira kuve nemufaro mukuru sezvo vakapasa zvikuru uye tiri kuita izvi apo tiri kufambisa chikamu chechipiri chechirongwa chekuvandudza dzidzo munyika, cheNew Curriculum, pachidanho cheEarly Childhood Development (A), Grade 1, Grade 3, Form 1, Form 3 neForm 5,” vanodaro.

Vana vakanyora bvunzo dzeA-Level mumwedzi waMbudzi 2016 vaive 41 549 kana zvichienzaniswa ne41 653 avo vakanyora mugore ra2015.

Muna 2015, huwandu hwevana vakabuda neGrade E kana zviri nani hwaive 38 873, izvo zvinopa chikamu che93.3% chehuwandu kana zvichienzaniswa ne38 924 chinove chikamu che93,7% chevakapasa gore rapera.

Zvakadai, huwandu hwevana vakanyora zvidzidzo zviviri kana kudarika muna 2016 hwaive pa33 139 kureva kuti hwakawedzera nechikamu che1,8% kubva pa32 550 vakanyora bvunzo dzimwe chete mugore ra2015.

Vadzidzi vakanyora bvunzo vakazvimiririra (private candidates) gore rapera vakapasa nechikamu che63,9% kana zvichienzaniswa ne63,7% muna 2015.

“Kuiswa kwemagiredhi ekupasa kwevadzidzi hakuna shanduko nekuti zvakangoramba zvakangofanana negore rapfuura takatarisa kupaswa kwezvidzidzo zvose zvakanyorwa,” vanodaro Professor Levi Nyagura, avo vanove sachigaro webhodi reZimsec.

Prof Nyagura vanoti vanasikana mubvunzo idzi vakapasa nechikamu che91,6% kudarika vanakomana, avo vakapasa nechikamu che86,4%.

Muna 2015, vasikana vakapasa zvakare nechikamu che90,5% vachikunda vakomana avo vaive pa85,4%.

Prof Nyagura vanoti vanasikana vakanyora bvunzo dzeA-Level dzegore rapera i14 610 apo vanakomana vaive 18 790.

Zvakadai, Dr Dokora vanoti vari kufara zvikuru kuti vadzidzi vakaremara mitezo nenzira dzakasiyana vakabudirira mubvunzo dzeA-Level.

“Sebazi, tinofara zvikuru kuti Zimsec yakakwanisa kunyoresa vana vakarema pabvunzo dzavo dzeA-Level zvikafamba zvakanaka, kusanganisira vanoshandisa braille neruvara rwakakura uye vadzidzi vemhando iyi vakapasa zvikuru pazvidzidzo zveDivinity.

“Zvakare, tinofara kuti bvunzo dzakanyorwa pasina nyaya dzekuburitswa kwemapepa ebvunzo nechikiribidi nguva yekunyorwa kwadzo isati yasvika. Saka tinozvitenda zvikuru nevana vakazvipira mubasa ravo,” vanodaro Dr Dokora. — The Saturday Herald.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey