‘Vatambi vegorufu votokunya dzisimbe’

28 Apr, 2017 - 00:04 0 Views
‘Vatambi vegorufu votokunya dzisimbe’

Kwayedza

Abel Ndooka —
SANGANO reZimbabwe Open iro rinoronga mutambo mukuru wegorofu munyika weZim Open rokurudzira mapoka akasiyana anotsigira mutambo uyu kuti ashande nesimba mukubika vatambi vane matarenda epamusoro.

Mashoko aya akataurwa natournament director weZim Open – Mike Mahachi – uye anotevera mutambo weZim Open uyo wakapera svondo radarika wakahwinwa naJC Ritchie wekuSouth Africa.

Vatambi vemuno vazhinji vakatatarika zvikuru mumutambo uyu zvekuti pakashaikwa kana mumwe chete aive pakati pe10 vepamusoro.

Mutambi wemuno aive pamusoro ndiRyan Cairns weRoyal Harare Golf Club uyo aive panhamba 32.

Mahachi anoti zvinosuwisa zvikuru kuti vatambi vemuZimbabwe vari kukundikana zvakanyanya mumutambo uyu.

Kunyangwe zvake achiti harisi basa rake rekusimudzira vatambi vegorofu, Mahachi anoti anoda kuona vatambi vemuZimbabwe vachihwinawo mumutambo uyu.

“Isu basa redu kuronga mutambo unoyevedza, unonakidza chete. Asi tinodawo kuona zvizvarwa zvedu zvemuno zvichirwa semvumba kuti zvihwine mutambo uyu. Taneta kuomberera mawoko vatambi vekune dzimwe nyika vanouya kuzongohwina mutambo uyu, tinoda kuti shasha ibve muno,” anodaro Mahachi.

Zvakadai, mutambi wemuno akapedzisira kubudirira mumutambo uyu ndiMark McNulty uyo akahwina mugore ra2000. McNulty akambohwina mumutambo uyu katatu kozoti vamwe vakambohwina ndiNick Price naTony Johnstone.

Mahachi anoti vatambi vemitambo yakasiyana pasi rose vakaita saTiger Woods wegorofu, Serena Williams wetenesi naLionel Messi wenhabvu tarenda ravo rakabikwa vachiri vadiki izvo zvakazovabatsira kuti vakure vari nyanzvi dzemitambo iyi.

“Zvakakosha kuti vatambi vegorofu vatange kubikwa vachiri vadiki kwete vakura. Mukaona vatambi vemitambo yakasiyana pasi rese tarenda ravo rinobikwa vachiri vadiki vabereki vachivatsigira nemari kuti vave shasha uye kana vakura mega munozvionera kuti matambiro avanenge vachiita mitambo yavo kuti vanenge vakabikwa. Isu ndizvo zvatinofanirwa kuitawo veduwo muno,” anodaro Mahachi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey