Vatambi vekarate vakahwinha Joni

13 Jun, 2014 - 00:06 0 Views
Vatambi vekarate vakahwinha Joni CHIKWATA cheZimbabwe Karate icho chakahwina mikombe mina svondo rapera kuSouth Africa.

Kwayedza

CHIKWATA cheZimbabwe Karate icho chakahwina mikombe mina svondo rapera kuSouth Africa.

CHIKWATA cheZimbabwe Karate icho chakahwina mikombe mina svondo rapera kuSouth Africa.

Abel Ndooka
CHIKWATA cheZimbabwe Karate chakahwina mikombe mina, miviri yesirivha nemiviri zvakare yebhuronzi, masvondo adarika kumutambo weShorinji Kempo Annual Tornament 2014 uyo wakatambirwa kuJohannesburg, kuSouth Africa. Zimbabwe yainge yakamirirwa nevatambi 10 kumutambo uyu uye Kumula Maphosa wemuboka relightweight naAdmire Chin’ozhoro wemuOpenweight ndivo vakahwina sirivha kozoti Naison Chituwa wemuOpenweight pamwe naSensei Tawanda Mufundisi wemumiddleweight vakahwinawo mikombe yebhuronzi.

Technical director weZim Karate Association, Sensei Kumbirai Musinami, anoti vatambi vavo vese vakatamba zvinodakadza kumutambo uyu kunyangwe vakazokwanisa kuuya nemikombe mina chete.

Anoti vamwe vatambi vavakatakura kumutambo uyu vakarwa semvumba kunyangwe zvavo vasina kuzohwina.
Vatambi vakaita saMalvern Chomusora pamwe naBlessing Tsekete, aka kaive kekutanga kavo kuenda kumutambo uyu kunyangwe havo vasina kuhwina mikombe vanonzi vakatamba zvinonwisa mvura.

“Pavatambi 10 vatakaenda navo kumutambo uyu vana chete ndivo vakahwina mikombe uye vatanhatu vacho vese vakazokundirwa mutop 8 yemutambo uyu.

“Pamutambo uyu, paive nevatambi vanopfura 250 vakabva kunyika dzakasiyana asi vatambi vedu vakaonekwa vachitamba zvinonwisa mvura izvo zvinova zvinoyemurika zvikuru.

“Tinodada nezvavakaita, tine mufaro mukuru uye tinoziva kuti vakadzidza zvakawanda kubva kuSouth Africa,” akadaro Sensei Musinami.
Akaenderera mberi achiti munguva iri kutevera vatambi vavo, avo vachangobva kuSouth Africa, vanotarisirwa kudzokera zvekare kunyika iyi apo vachanokwikwidza kumutambo weShinkykouan Kaikau  kuPretoria.

Mutambo uyu uchange uri wekugadzirira chikwata chavo apo chakatarisana nekunokwikwidza kuWorld Karate Tournament kuSouth Africa zvekare muna Gunyana.

“Muna Gunyana vatambi vedu tichavatumira kuSouth Africa kumutambo weWorld Karate Tournament uyo uchange uine vatambi vachabva kunyika dzinodarika 30.

“Senzira yekugadzirira mutambo uyu, vatambi vedu tichavatumira kuSouth Africa zvekare uko vanofanirwa kunokwikwidza kumutambo weShinkykouan Kaikau kuitira kuti vajairire kurwa nevatambi vekunyika iyi.

“Tinoziva kuti mutambo uyu wakakosha chaizvo uye uchavabatsira kuti vazoenda kuWorld Tournament morari yavo yakasimuka,” akadaro Sensei Musinami.

Share This:

Sponsored Links