Uncategorized

Vatori venhau vakachiona…Vakaperekedzwa rwendo nezvipoko

19 Aug, 2016 - 00:08 0 Views
Vatori venhau vakachiona…Vakaperekedzwa  rwendo nezvipoko Mapupu akagara pavhiri akabata musoro, afizuka apo Muchina aive akakotama akatarisa motokari yavo ichigadzirwa kuRwenya. — Mifananidzo: Memory Mangombe

Kwayedza

Kingstone Mapupu
VATORI venhau veKwayedza svondo rapera vakapona neburi retsono vari kuRwenya, kuNyamapanda, mudunhu reMudzi, apo vakanozorora musango rine zvimbambaira nekusaziva mushure mekunge motokari yavo yafa vari pabasa. Pakaitika izvi, munyori uno, mutori wemufananidzo Memory Mangombe nemutyairi Joram Muchina vaive parwendo kuenda kuimwe n’anga iyo inonzi inopa vanhu zvikwambo ichizivikanwa nekuti Timanimoto yekwaFombe, kuNyanga.

Pakuenda kun’anga iyi, vatori venhau vakashandisa mugwagwa unozivikanwa nekuti Bhinya Road uyo unobva paNyamapanda uchitevedza muganhu wenyika ino neyeMozambique. Mugwagwa uyu unoenda kuNyanga uchidarika nekuRwenya uko motokari yeKwayedza yakafira pakati pedondo ndokuita chinguva kuti igadzirwe.

Mugwagwa weBhinya Road unodarika nemumasango ane zvimbambaira izvo zvakaiswa nemabhunu munguva yehondo yerusununguko vachiitira kuti varwi vehondo vatadze kudarika vachibva kuMozambique.

Vachimirira kuti mota yavo igadzirwe uye vari “murima” remamiriro enzvimbo yavaiva, vatori venhau vakagumisira vaenda kunozororera mumimvuri yemiti iri kunze kwemugwagwa uko vakazoudzwa kuti hakusvikwe patova paya.Vanhu vaidarika ndivo vakazovayambira kuti vakange vapaikira upenyu hwavo parumananzombe nekuda kwekuti kwavainge vakazororera kunzvimbo ine zvimbambaira izvo zvakaita kuti vatatu ava vabve musango iri vakabatira hana mumawoko.

Sango rakange rapindwa nevatori venhau iri harina zviziviso zvinoratidza kuti rine zvimbambaira. Zvikwangwari izvi zvinonzi zvaimbovapo asi ndokuzobviswa nenhubu dzakatora marata acho dzichinogadzirisa zvinhu zvakaita semapoto.

Dambudziko harina kuperera ipapo. Apo motokari yainge yagadzirwa, veKwayedza vaifanirwa kudarika neparwizi rwizi Nyamombe apo motokari yavo yaitatambura kufamba nekuda kwejecha sezvo zambuko repo rakaparadzwa nemvura yemafashamu makore apera. Vakatozobatsirwa kusunda motokari iyi nevamwe vagari veko.

Munyori uno akapotsa aitwa kudya kwemanheru negarwe iro raive rakazvambarara mujecha apo akaburuka motokari achida kunoshevedza vanhu panzvimbo yemabhisimisi yeRwenya kuti vazovabatsira kusunda motokari mujecha.

Asi manenji chaiwo akazotanga munguva dzehusiku apo vatori venhau vakange vodzokera kuNyamapanda. Vari pakati pesango uye motokari ichikwenywa, vakasangana nemadzimudzangara pamwe nezvipoko.

Pamberi pavo vakangoona pave nemotokari yaiita seyemauto kana kuti yemapurisa iyo yaivhetemeswa ichimbumura guruva. Sezvo kwaiva nemwedzi muchena, motokari iyi yainyatsoonekwa iri pamberi peyeKwayedza, pedyo-pedyo. Pane dzimwe nguva waingoona kumberi kwava nemhute yakakora.

Guruva nemhute zvaipota zvichimbopera zvichizotanga zvakare apo motokari yaive pamberi iye yaimbonyangarika uye yaiita seyaiva nevanhu vainge vakapfeka zvitema.

Pane imwe nguva kumashure kwemotokari iyi kwaiita sekunge kwaitevera mombe kana mhuka huru dzakawanda idzo dzaiita chamurambamhuru.

“Ko mota yacho haibatike yakaita seiko, plus kumashure kwacho zvakunoita sekune mombe dziri kumhanya,” akadaro Mangombe.

Muchina akazowedzera kumhanyisa motokari ndokusvika pedyo-pedyo neyaive pamberi apo mhuka dzaionekwa dzakatsakatika.

Motokari yeKwayedza payakaedza kuti inodarika yaive mberi iyi, mota iya yakabva yanyangarika zvachose zvakaunza kutya kukuru kuvatori venhau vatatu ava, mumota mukava nerunyararo rwaidarika rwemumochari.

“Vakomana ngatinyararei nekuti izvi ndizvo zvinonzi zveusiku, hazvitsiurwe. Iwe Memo naMuchina ngatisiyanei nazvo, nyararai dakara tasvika Nyamapanda,” akadaro Mapupu.

Pose paitaura Mapupu apa, Mangombe aiva mushishi kutumira mashoko kumupepeti weKwayedza paWhatsApp achiti: “Aaa, zvava kutotityisa izvi. Hamheno zviri kungoitika kuno, tiri kubva kusangana nemagoritoto izvozvi.” Apa nguva dzainge dzava kuswedera pakati pehusiku.

Mupepeti weKwayedza akangopindura Mangombe achivati vasamire munzira dakara vasvika kuNyamapanda.

Asi “Ma1” acho haana kuperera ipapo. Vari munzira vakasanganazve netsuro dzainge dzakawanda zvikuru idzo dzaiti kana dziri pakati pemugwagwa dzaiita sekunge dzavhurirwa kubva mudanga.

Hapana akazoti bufu dakara tasvika patakamiswa nemapurisa nemauto pamuganhu wenyika ino neMozambique.

“Guys, fambai zvakanaka. Tangoti tione kuti munei, nekuti kuno makoronyera akawandisa,” akadaro mumwe mupurisa.

Vatori venhau vakazorara paNyamapanda asi hana dzichingodandaura kurova.

Vamwe vakazotaurwa navo vemunzvimbo iyi vanoti mugwagwa wakashandiswa neKwayedza uyu une masaramusi makuru sezvo uchionekwa zvipoko, manyin’inya kana kuti madzangaradzimu.

“Mota yamaona mberi kwenyu ichiita seyemauto kana kuti yemapurisa zvipoko. Kwaifa mauto munguva yehondo, avo vamwe vacho vaitsika zvimbambaira. Hakudi kufambwa kwadoka,” akadaro mumwe mugari wenzvimbo iyi uyo akaramba nezita rake.

Share This:

Sponsored Links