Uncategorized

Vatyairi vofamba nyore neEcoCash

30 Jun, 2017 - 00:06 0 Views

Kwayedza

Tandayi Motsi —
KAMBANI yeEconet Wireless Zimbabwe yakabatana neZimbabwe National Road Administration (Zinara) muchirongwa chekubatsira vatyairi vedzimotokari kuti vakwanise kubhadhara mari yematollgates zviri nyore vachishandisa EcoCash.

Chirongwa ichi, chinova chekutanga muZimbabwe, chinoita kuti vatyairi vedzimotokari varerukirwe pakubhadhara matollgates apo vanenge vachifamba nzendo dzakasiyana. Vachitaura pakuparurwa kwechirongwa ichi svondo rapera, chamangwiza weEconet Wireless Zimbabwe, VaDouglas Mboweni, vanoti vane idi rekuti chichabatsira zvikuru vatyairi vedzimotokari.

“NeEcoCash, tiri kuramba tichiunzira makasitoma edu nzira dzakachengetedzeka uye dziri nyore dzekushandisa panyaya yekufambisa mari mukutenga zvose – kubvira kumagirosari, vhanicha, mafuta edzimotokari kana muriwo chaiwo kumusika. Kushanda kwedu takabatana neZinara kwakajeka apo tiri kuyedza kutsvaga nzira dzekurerutsira makasitoma edu,” vanodaro.

VaMboweni vanorumbidza vashandi veEcoCash neveZinara mukushanda kwavari kuita nesimba mukuzadzisa zvido zvemakasitoma avo.

“Tinotenda veZinara nekushanda nesu uye nekuzvipira uko vakaita kuti chirongwa ichi chibudirire,” vanodaro.

Maneja weEcoCash, Natalie Jabangwe-Morris, anoti donzvo ravo nderekutsigira Hurumende pamwe nebhanga guru renyika, reReserve Bank of Zimbabwe (RBZ), muzvirongwa zvekuti veruzhinji varerukirwe munyaya dzekufambiswa kwemari pakutenga nekutengeserana.

“Takashanda siku nesikati muchirongwa chemhando yepamusoro ichi, icho chinoshandiswa kunyika dzakabudirira chichiita kuti mutyairi abhadhare mari yetollgate zviri nyore. Pasi pechirongwa ichi, tiri kushanda neZinara uye michina yedu inobatanidza nhamba pureti yemotokari nehomwe yeEcoCash yemutyairi izvo zvinoita kuti akwanise kubhadhara mari yetollgate pasina dambudziko,” anodaro.

Vatyairi vedzimotokari vachakwanisa kubhadhara mari yematollgates vachishandisa EcoCash kumativi mana enyika kunzvimbo dzinotevera: 22 Miles, Chivi, Dema, Esigodini, Eskbank, Hwange, Inkomo, Lions Den, Lutumba, Mashava, Mushagashi, Naude Quarry Site, Shamva, Shurugwi, Sino, Skyline neUmguza uye pane hurongwa hwekuti chitekeshere kune dzimwe nzvimbo munguva inotevera.

Share This:

Sponsored Links