Vavakidzani vatosvorana

30 Oct, 2014 - 09:10 0 Views

Kwayedza

Orpah Mukotekwa
VAVAKIDZANI vaviri vakaendesana kudare redzimhosva apo mumwe aida gwaro redziviriro achiti akapotsa apondwa nezvidhina mushure mekunetsana.
David Nyahondo akaendesa Cecilia Jeranyama kuHarare Civil Court.

“Ndaoneswa nhamo naamai ava, vanonditukirira nekundishungurudza ini nemhuri yangu zvekuti handichina chiremerera munharaunda mandinogara. Pese pavanofungira kunditukirira vanongouya vachideedzera zvavanoda nezvinonyadzisira zvekuti ndikazvitaura muno munoshamiswa.

“Vanorova vana vangu zvisina mvumo yangu zvekuti ndakatombobvisa mumwe mwana ndikamuendesa kwaMutare ndichifunga kuti paanodzoka vanenge vakanganwa nezvazvo asi ndakashamisika kunzwa vachitukirira futi mwana wangu uyu paakanga adzoka,” akadaro Nyahondo.

Akaenderera mberi achiti Jeranyama anomutuka achiti murume pasina uye haafe akaita mwana asi iye aine vana nemukadzi.

“Rimwe zuva amai ava vakabatana nehanzvadzi yavo pakati pehusiku vakadhakwa vachiputa fodya vakauya vakabata zvidhinha vachida kundiponda. Pandakavabvunza kuti zvidhinha ndezvei, vakanditi vanoda kuzvidzivirira sezvo vaifunga kuti ini ndichamutsa hondo navo. Ndaikumbirisa kuti mundipewo gwaro redziviriro sezvo ndava kutotyira upenyu hwangu nemhuri,” akadaro.

Jeranyama akaramba mashoko akataurwa naNyahondo achiti:

“Baba ava vanondinyepera, handina kumbobvira ndavatukirira nekuvashungurudza asi kuti takatukana ivo vachipindurawo. Zvese zvavari kutaura kuti ndaida kuvaponda kundinyepera, ndofunga baba ava vakangondivenga, handizi mhondi ini.

“Ndakatomboenda pamba pavo ndichikumbira ruregerero saka ndakatozoshamisika kunzwa kuti vakandimhan’arira kudare, ndaifunga kuti ticharegererana tega,” akadaro Jeranyama.

Mutongi Audrey Tarugarira akapa Nyahondo gwaro redziviriro ndokuti Jeranyama haabvumidzwe kusvika pamba paNyahondo kana kumushungurudza nenzira ipi zvayo.

 

Share This:

Sponsored Links