Vechidiki ngavatsigirwe mumimhanzi: Mahachi

03 Feb, 2017 - 00:02 0 Views
Vechidiki ngavatsigirwe mumimhanzi:  Mahachi

Kwayedza

Abel Ndooka
VAIMBI vane mukurumbira vokurudzirwa kuti vabatsire pamwe nekutsigira vamwe vechidiki vachiri kusimukira sezvo izvi zvichibatsira zvikuru mubudiriro yeindasitiri yemimhanzi. Kurudziro iyi yakaitwa naTatenda Mahachi uyo anove muimbi wemusambo wechitendero ane mukurumbira achiti iye akabatsirwa nevamwe kuti asvike paave nhasi uno. Mahachi parizvino ari kunetsa zvikuru nekambo kake kane vhidhiyo kanonzi Usacheme.

“Ndinodawo chaizvo kubatsira vechidiki vari kusimukira mumhanzi kuti vagove neramangwana rakanaka. Tinoona vamwe vaimbi vachirasika nekuti vanofunga kuti vanoziva kudarika vave nemakore vari muindastiri iyi.

“Ndiri kuzama kubatsira asi hazvirevi kuti ndinoziva kuvadarika, asi zvandakarayirwa nevamwe vaimbi zvakandibatsira,” anodaro Mahachi. Anoti kambo kake – Usacheme – kari kumusimudzira zvikuru munyika muno pamwe nekunze.

Shuviro yake, anodaro Mahachi, kuti akwanise kubatsirawo vana vanotambura kuburikidza nekuti vatange kuita mabhindauko akasiyana ekuti vakwanise kuzviraramira muhupenyu.

“Kambo Usacheme, kandisvitsa kure kumwe kwandaisafungira kuti ndichazombosvika muhupenyu hwangu saka ndinoda kutenda vatsigiri vangu nerutsigiro rwavanondipa.

“Ndichaedza nepandinogona kubatsira vana vanotambudzika pamwe nekuvayamura kuti vatange mabhindauko ekuzvimirira muhupenyu hwavo.

“Ibasa redu vaimbi pamwe nevamwe vanhu vane mukurumbira kuti tidzorere kunharaunda kwatinobva tichisimudzira vanhu vanotambudzika,” anodaro.

Mahachi parizvino ari mushishi kubika rimwe dambarefu iro anotarisira kuparura gore rino. “Ndiri kubika rimwe dambarefu iro ndichaparura manje-manje, richange rine nziyo idzo ndinofunga kuti dzichanakidza kudarika Usacheme,” anodaro Mahachi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey