Vechidiki vane hiv vova netariro

29 Sep, 2017 - 00:09 0 Views
Vechidiki vane hiv vova netariro

Kwayedza

Muchaneta Chimuka —
AINE makore 10 kuberekwa, Chipo (harisi zita rake chairo) akarasa tariro yekurarama mushure mekuzvarwa aine utachiona hweHIV pamwe nekushaikirwa naamai vake.

Zvisinei, akaona tariro yeupenyu ichidzorerwa maari mushure mekunge iye naambuya vake vashanyira sangano reCommunity Adolescent Treatment Support (CATS) riri paGweru Provincial Hospital mumwedzi waGunyana 2016.

Chipo aigara achishungurudzika zvakanyanya, kusvika azosangana nesangano reAfricaid rinova rinotsigirwa neUSAID kuchikamu cheDREAMS, icho chinotsigirwawo neUS President’s Emergency Plan for AIDS Relief (PEPFAR) kuburikidza neUS Centres for Disease Control and Prevention (CDC).

Izvi zvakaita kuti akwanise kubatsirwa nekupangwa mazano uye kupinda muchirongwa chekutora mishonga yemaAnti-Retroviral Drugs.

Chipo akaberekwa mumhuri ine vana vana, akakura achirerwa nababa vake naamainini kuKwekwe. Amai vake nyakumutumbura vakashaya mushure mekutambudzwa nedenda reAIDS uye iye akatapurirwawo utachiona hweHIV pakuzvarwa.

Mwana uyu akakura ari ndonda, aingorwara-rwara asi baba vake vakanga vasina chido chekuti anovhenekwa utachiona hweHIV.

Akatozoziva kuti ari kurarama neutachiona uhu mushure mekunge ambuya vake vaenda naye kuchipatara cheGweru Provincial Hospital kunovhenekwa.

Zvisinei, nechido chakaitwa naamabuya vake kuti avhenekwe pamwe nekurapwa, Chipo akaramba ari panyatwa yekushungurudzwa nababa vake nemudzimai wavo.

Kazhinji kacho vaimurambidza kutora mishonga sezvo vaivimba nemishonga yechivanhu.

Mwana uyu akashungurudzika zvikuru mukurarama kwake sezvo aikundikana kutamba nevamwe uye asisatore mishonga mishonga yake nemazvo, izvo zvakaita kuti arambe achingorwara.

Chipo akazotiza vabereki vake ava achinogara naambuya vake kuGweru. Varapi vepaGweru Provincial Hospital vakaona kuti huwandu hwemasoja anorwisa zvirwere emumuviri maChipo hwakange hwaderera zvakanyanya vachibva vaita kuti abatane nesangano reCATS.

Izvi zvakaita kuti abatsirwe zvakapetwa kuburikidza nekuwaniswa mashoko panhare nekushanyirwa kumba achirapwa.

Chipo akafadzwa zvikuru nechirongwa cheCATS rinova sangano riri kubatsira vechidiki vari kurarama neutachiona hweHIV kuti vawaniswe mishonga.

Mwana uyu akawaniswa mukana wekupinda mumisangano yemaSupport Groups apo anosangana nevamwe vari muchirongwa chekutora mishonga yeHIV vachibatsirana mukupangana mazano zvinova zvinonyevenutsa pfungwa dzavo. Misangano iyi vaiita kuGweru Provincial Hospital pasi pechirongwa cheDREAMS.

DREAMS ine chinangwa chekutsigira madzimai nevana kuti vange vachirarama upenyu hunoendeka, zvikuru munyaya dzekurwisa HIV.

Chipo akakwanisa zvakare kupinzwa mune mamwe mapoka evechidiki seYouth Advocates Zimbabwe (YAZ), rinova sangano rinotsigirwa neDREAMS kuGweru kwakare uko vechidiki vanofundiswa mabasa emawoko anovawanisa chouviri.

Mwana uyu ave kuitawo zvidzidzo zvekusona, zvekufambiswa kwemabhizimusi nekuchengetedzwa kwemari.

Chipo akaratidza hunyanzvi hwake kuburikidza nekuita zvidzidzo izvo zvinowanzotorwa sezvevarume achitsigirwa neCATS.

“Ndinofara zvikuru neshanduko iri muupenyu hwangu nekuti ndave nemabasa, andava kugona kuita zvinoita kuti ndive netariro yekurarama,” anodaro.

Pari zvino Chipo ari kushanda pane imwe kambani inoita zvekusona muGweru.

Izvi zviri kumubatsira kuti ange achichengetedza mari yekuti akwanise kunyorera zvimwe zvidzidzo zvakadai semasvomhu uye ari kutarisira kuzonyora bvunzo dzake dzeO-Level mumwedzi waMbudzi gore rino.

“Nhoroondo yeupenyu hwaChipo inoratidza kuti kana vechidiki avo vari kurarama neutachiona hweHIV vakatsigirwa, vanokwanisa kuzadzikisa zviroto zvavo,” anodaro Nicola Willis anova chamangwiza wesangano reAfricaid.

Anoti kana vechidiki vakanonoka kuwaniswa rubatsiro rwekurapwa HIV, inogona kuenderera mberi kusvika padzanho reAIDS izvo zvinoita kuti varasikirwe neupenyu.

Afaricaid ine chinangwa chekusimudzira huwandu hwevechidiki nemadzimai kuti vange vachivhenekwa utachiona hweHIV.

Mugore ra2016, sangano iri rakafambisa chirongwa cheZvandiri Model, icho chinobatsira vana vari mumatunhu ose muZimbabwe.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey