Vechidiki vanogona kuunza mutsauko

06 Mar, 2015 - 00:03 0 Views
Vechidiki vanogona kuunza mutsauko

Kwayedza

Charles Siwela aina Michel Sidibe Executive Director UNAIDS

Charles Siwela aina Michel Sidibe Executive Director UNAIDS

SANGANO reStudent Global AIDS Campaign (SGAC), iro rinoshanda pamwe chete nereHealth GAP, riri mushishi yekudzidzisa vechidiki muzvikoro zvepamusoro zvakasiyana pamusoro peHIV neAids zvakaita semashandisiro emari yekurapwa kune vanorarama neutachiona uhu nekuzvidzivirira kwakakwana kubva kuzvirwere zvepabonde.

Svondo rapera, vatungamiriri vevechidiki vanorarama neutachiona hweHIV pasi rose vakaita musangano wavo wepagore kuHarvard Univerity vachirodza pfungwa.

“Takaungana kuHarvard University kuti tirodze pfungwa munhau yekurwira kodzero dzedu uye kuti rubatsiro runopiwa kuHIV/AIDS rusawanikwe ruchidzika sezvarwuri kuita. Takaona kuipa kwekusawanda kwemari yerubatsiro yekurwisa kupararira kwedenda iri,” Health Gap yakazivisa muchinyorwa chayo.

Sangano remuZimbabwe rinoshanda pamwe chete neveHealth Gap reYouth Engage, iro rinotungamirirwa naCharles Siwela, rinoti riri mushishi kudzidzisa vechidiki maringe nekodzero dzavo.
“Tinoda kuti wese wechidiki angave anorarama neutachiona kana asina azive kodzero dzake uye kuti vasina utachiona vagare vasina,” akadaro Siwela.

Siwela anoti vechidiki vane kodzero yekupihwa mishonga kumakiriniki vakazvimiririra asi vamwe vari kusangana nematambudziko, kunyanya apo vanonzi vauye nevabereki nekuti havana makore anosvika gumi nematanhatu okuberekwa.

“Kuziviswa nekubvuma kwemubereki kuti mwana arapwe kana kupihwa zvaangade kukiriniki kuri kudzvinyirira vechidiki. Mwana ava nemakore gumi nematanhatu anokodzera kuziva zvaanoda uye anofungawo zvakakwana naizvozvo anofanirwa kukwanisa kupiwa rubatsiro kana achinge aenda ega kukiriniki asina kunzi huya nemubereki,” akadaro Siwela.

“Vamwe vechidiki vari kupinda muhurwere kana kuva vabereki vasati vakura nekuda kwezvimhinga mupinyi zvakasiyana. Kana mwana ari kuda kuzvidzivirira (zvakaita sekushandisa makondomu panguva yebonde) achitsvaka dziviriro anofanira kuiwana kwete kunzi uri pwere uya nemubereki,” akadaro Siwela.

“Kune vechidiki vasati vasvitsa makore gumi nematanhatu okuberekwa asi nekuti vava kuziva nekunzwisisa utano hwavo vanofanirwa kupiwa rubatsiro pasina kunzi mubereki aripi. Vamwe vana vanoziva kutodarika vabereki ivavo vanonzi huyayi navo naizvozvo mwana anoda kuongororwa ropa kutarisa utachiona hweHIV, ane kodzero yekubatsirwa kana achinzwisisa zvazvinoreva.”

Anoti panodiwa rutsigiro rwakazara zvakare kune vechidiki vanorarama neutachiona hweHIV.
“Kunodiwa kuvepo tsigiro yevanorarama neutachiona hweHIV kuti vasarambe vakahwanda. Kushorwa, kuonerwa pasi, kutorwa senzenza zvimwe zvezvinhu zvinoita kuti vechidiki vasabude pachena,” akadaro Siwela.

Magamba akaita saSiwela anodiwa uye kudzidzisa vamwe nekurwira kodzero dzevechidiki kusvikira dzazadziswa.
Vechidiki vanokwanisa kupedza kupararira kweutachiona hweHIV. Ndinoti kune vakaita saSiwela sando dzako ndakupa, basa sebasa.

Wenyu:[email protected]

Share This:

Sponsored Links