Vechidiki voparidza vhangeri

01 Dec, 2016 - 00:12 0 Views
Vechidiki voparidza vhangeri Pwatanashe Ziso (kurudyi) aina John Mahuneta akabata dambarefu ravo idzva rinonzi Kururama.

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

CHIKWATA chevechidiki chemusambo wechitendero chiri kusimukira cheThe Island Voice Group chekuBudiriro, muHarare chinoti chishuwo chavo ndechekuparidzira veruzhinji vhangeri kuburikidza nemimhanzi.Kwayedza svondo rapera yakakurukura nemutungamiriri wechikwata ichi, Patwanashe Ziso, zvichitevera kubura kwavakaita dambarefu ravo rechitatu rinonzi Kururama.

“Ini kuimba kwakagara kuri muropa nekuti ndakatanga kufarira kuimba ndichiri mudiki kwazvo ndichiita zvidzidzo zvangu zvepuraimari. Dambarefu redu iri rave retatu uye rinodaidzwa kunzi Kururama. Mumakore adarika, takambobura mamwe madambarefu anoti Tsime Rangu, Hossana naHossana Volume 2 ose ari echitendero,” anodaro Ziso.

Anoti nhengo dzose dzechikwata chavo dzinopinda kereke ye12 Apostles Church In Christ uye vamwe vaanoimba navo ndevanoti John Mahuneta, Felix Mutunami, Kelvin Muchore, Obey Nyatsanga naJosphine Mashiri.

“Dambarefu redu rine nziyo dzinosanganisira Munhu Haungamutadzire, Ngena, Nyama Yangu, Ndizarurirei, Kururama, Tenda naNgena Volume 2. Muna kambo kanonzi Munhu Haungamutadzire tiri kuedza kushumira shoko kune veruzhinji kuti sevanhu tinogona kukanganisa asi kuti kutadza kwatinoita tinenge tisiri kutadzira munhu wenyama asi kuti Mwari wekudenga.

“Taida kujekesa zvakare nyaya dzakadai sechipfambi chinoitwa husiku kana kutorerana varume nemadzimai kuri kukurumbira munyika kuti unenge usiri kutadzira munhu asi kuti Mwari nekuti ndivo vanoranga,” anodaro.

Ziso anoti pakambo kavo kanonzi Kururama vanodawo kurangaridza veruzhinji kuti vave vakarurama pane zvose nekuti kuna Mwari hakuna chakavanzika.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey