Veruzhinji vopa ropa kuNbsz

03 Mar, 2017 - 00:03 0 Views
Veruzhinji vopa ropa kuNbsz

Kwayedza

Muchaneta Chimuka —
SANGANO reNational Blood Services Zimbabwe (NBSZ) rinoti gore rino riri kutarisira kuwana ropa rinosvika 70 000 units kubva kune veruzhinji iro rinotarisirwa kubatsira varwere vakasiyana.

Muhurukuro neKwayedza, mukuru anoona nezvekufambiswa kwemashoko kuNBSZ, Mai Esther Massundah, vanoti vari kukurudzira veruzhinji kuti vape ropa.

Vakataura mashoko aya svondo rapera apo sangano ravo rakatangisa chirongwa chekuti veruzhinji vape ropa.

Chirongwa ichi chiri kuitwa kumativi mana enyika kusvika mumwedzi waZvita uye NBSZ yakabatana nesangano reJoina City Life.

Chiri kuitwa pasi pedingindira rinoti “Upenyu Huri Muropa”.

“Chirongwa ichi chichabatsira kuti tiwedzere ropa kumuzinda wedu mukuru watinorichengetera. Tiri kutarisira kuwana 70 000 units dzeropa kana tichienzanisa ne65 000 units dzatakawana gore rapera,” vanodaro.

Mai Massundah vanoti gore rino vari kukurudzirawo mapoka akasiyana, kusanganisira vatori venhau, kuti vape ropa.

“Tinofara zvikuru kuti gore rino tiri kushanda nevatori venhau vemapoka akasiyana. Izvi zvakakosha nekuti munguva zhinji tinoona vatori venhau vachingoburitsa nhau kana kuita zvehuDJ bedzi vasingawanikwi vachiita zvacho zvavanenge vari kukurudzira veruzhinji kuti vaite,” vanodaro.

Mai Massundah vanoti vanhu vakakodzera kupa ropa ndeavo vane makore 18 okuberekwa zvichienda mberi, vaine huremu kwe50 kgs zvichikwira uye vaine utano hwakanaka.

Munhu asati apa ropa, pane ongororo inoitwa sekutarisa zvirwere zvakaita seBP, shuga nezvimwe.

Vamwe vakapa ropa pachiitiko ichi vanosanganisira nhengo dzechechi yeSeventh Day Adventist Church (SDA) nevashandi venhepfenyuro yeRadio Zimbabwe.

Pastor Tatenda Machomire, avo vanotungamirira chechi yeSeventh Day Adventist Church Harare City Centre District, vanoti vanofara zvikuru nekupa kwavari kuita ropa.

“Pari zvino tauya nevechidiki 12 avo vapa ropa nekuti sekereke, tinoona zvakakosha kuti tibatsire mukuchengetedza upenyu hwevamwe nekupa ropa. Muna Kurume tichange tichipa ropa zvakare,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey