Vhenekwai gomarara nenguva: Hurumende

23 Dec, 2016 - 00:12 0 Views

Kwayedza

MUKURU anoona nezvekudzivirirwa kwezvirwere kubazi reutano nekurerwa kwevana (Director of Epidemiology and Disease Control), Dr Portia Manangazira, vanoti zvipatara zvinorapa gomarara zvichiri zvishoma kana zvichienzaniswa nehuwandu hwevarwere vanoda kubatsirwa.Mashoko avo anotevera nyaya mbiri dzinosiririsa dzakabuda muKwayedza resondo rapera dzaive pamusoro pemadzimai maviri atambudzwa nedenda regomarara rezamu.

“Tinongoramba tichikurudzira vanhu kuti vaende kunovhenekwa gomarara nekukasika risati rakomba kuti ringe richikurumidza kurapwa. Kune mhando dzegomarara dzakawanda kusanganisira remumazamu, muchibereko, remuropa, remumabhonzo, caposi sacoma iro rinobata nhengo dzakaita semuromo neganda.

“Mugore ra2015, gomarara necaposi sacoma raitambudza vanhu vanosvika 2 866 apo remuromo wechibereko kuvanhukadzi raive pa2 994,” vanodaro. Dr Manangazira vanoti ongororo iyi yakabva kusangano reCancer Registry.

Vanoti pane hoche-koche iripo pakati pechirwere chegomarara neutachiona hweHIV sezvo huwandu hwevarwere vane HIV huchienderana nevegomarara, asi zvisingarevi izvo kuti munhu wose ane gomarara anenge aine HIV.

Vanhu vanorarama nehusope nevamwewo vari kunyanya kutambudzwa negomara reganda sezvo ganda ravo richikasika kurohwa nezuva, zvikuru munguva dzekupisa. Vamwe vavo vanotopona nekuzora mafuta ayo anotanda zuva (sunscreen lotion) asi nekuda kwekudhura kuri kuita mafuta aya, vakawanda vavo vari kukundikana kuawana.Zvakadai, mukushi wemashoko kukambani huru mune zvenhau munyika muno, yeZimpapers Group, Beatrice Tonhodzayi, anoti munguva pfupi yadarika kambani yavo yakaita zvirongwa zvekurwisa kupararira kwegomarara.

Zvirongwa izvi zvinosanganisira chekufamba, chaidaidzwa kutiCancer Power Walk, nedonzvo rekuunganidza mari yekubatsira varwere vegomarara kuburikidza nesangano reIsland Hospice rinova riri kushanda pamwe chete nekambani iyi mukurwisa kupararira kwechirwere ichi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>