‘Vhenekwai tb’

07 Apr, 2017 - 00:04 0 Views
‘Vhenekwai tb’

Kwayedza

Muchaneta Chimuka —
BAZI reutano nekurerwa kwevana rinoti zvakakosha kuti veruzhinji vavhenekwe chirwere cherurindi nguva ichiripo kuitira kuti vanenge vainacho varapwe chisati chadingindira mumuviri.

Mashoko aya akataurwa svondo rapera naDr Charles Sandy, avo vanove deputy director kuchikamu cheHIV and AIDS kubazi iri pamhemberero dzeWorld TB Day idzo dzakaitirwa kuShurugwi, kuMidlands.

Vamwe vaive pachiitiko ichi vanosanganisira nhengo dzekomiti yedare reParamende inoona nezveutano nekurerwa kwevana.

Zuva reWorld TB Day rinocherechedzwa musi wa24 Kurume uye gore rino mhemberero dzakaitwa pasi pedingindira rinoti, “Ngatibatanei mukupedza TB: Hakuna anosara”.

Dr Sandy vanotenda nhengo dzekomiti yeParamende inoona nezveutano mukuzvipira kwavakaita kuva mucherechedzo wakanaka nekuongororwa chirerwe cherurindi uye kukurudzira veruzhinji kuti vavhenekwewo.

“Nhengo dzekomiti yeParamende idzi dzakatora danho guru kwazvo apo dzakapinda muchirongwa chekuvhenekwa chirwere cherurindi izvo zvinoitawo kuti vanhu vari munharaunda vasatya kuvhenekwa nekuti tinogona kudaro tiine vanhu vakawanda vari kurarama nechirwere ichi asi vasingazive. Kana munhu akaonekwa aine rurindi, zvinobatsira kuti arapwe nekukasika,” vanodaro.

Dr Sandy vanoti kune matambudziko akawanda ari kudzorera shure kurwiswa kwechirwere ichi munyika senyaya dzerusarura kuvanhu vari kurarama nerurindi uye kushomeka kwezvekushandisa muzvipatara.

“Kana vanhu vakave nerusarura kune vane chirwere cherurindi, hationi paine budiriro nekuti vanhu ivavo vanozonyara kuvhenekwa kana kutora mishonga yavo zvichizokonzera rufu. Kana tikabudirira kupedza chirwere ichi munyika, zvinenge zvava kureva kuti mari iya yaishandiswa mukurapisa vanhu inenge yava kushandiswa kune zvimwe zvirongwa zvine chekuita nebudiriro,” vanodaro.

Imwe nhengo yekomiti yeParamende iyi, uye inomiririra Chiwundura mudare iri — Cde Kizito Chivamba — vanoyemura zvakaitwa nevamwe vavo mukubatsira kurwisa nyaya dzerusarura kuvarwere veTB kuburikidza nekuvhenekwa kwavakaitwa.

Dr Patrick Hazangwe, avo vanove National Professional Officer for TB kusangano reWorld Health Organisation (WHO), vanoti ibasa remunhu wose kuti chirwere cheTB chichipera.

“Dingindira redu regore rino rinotikurudzira kuti tinge tichibatana mukurwisa chirwere cherurindi nokudaro kana tikabatana, vanhu vakavhenekwa nekurapwa, tinokuda,” vanodaro.

Chirwere cherurindi chinoderedza nyaya dzeutano munyika muno, chiri panhamba 30 pazvirwere zvinopa mitoro pasi rose uye kana Zimbabwe ikasawaniswa zvekushandisa zvakakwana mukuchidzivirira ingangokundikana kuzadzikisa zvinangwa zvayo zvegore ra2030 zvekupedza kupararira kweTB.

Zvinangwa izvi, zveEnd TB Stategy, zvine donzvo rekuderedza chirwere cherurindi uye ndufu nechikamu che95% pamwe nekuderedza kunyuka kwezvimwe zvirwere zvitsva zverurindi pakati pemakore anoti 2015-2035.

Zvakadai, sangano reUSAID rakatangisa zvirongwa zvekurwisa chirwere cherurindi kubva muna 2008 richibatana neZimbabwe National TB Control Programme, International Union Aganist Tuberculosis and Lung Disease nemamwe masangano akazvimirira.

Pasi pezvirongwa izvi, zvipatara zviri kubatsirwa nemidziyo yekushandisa inosanganisira Gene Xpert, unova muchina unovheneka chirwere ichi nekukasika, kuvandudza ruzivo rwevarapi pamwe nekurwisa HIV.

USAID yakabatsira zvakare nemidhudhudhu iyo inoshandiswa nevarapi mukuita basa ravo.

Kushaikwa kwezvekufambisa – zvikuru kumaruwa — yakaonekwa ichideredza huwandu hwevanhu vanovhenekwa chirwere cherurindi.

Share This:

Sponsored Links